VANHU vakaona murume achibatsirana nemudzimai wake kuita mabasa epamba, unoona vozevezerana: “Uyu akadyiswa nefoshoro”.
Zvavanenge vachireva ndezvokuti akapfuhwirwa zvakanyanya. Asi tikatarisisa tinoona kuti zvakakosha kuti vakaroorana vabatsirane mudzimba. Izvi zvinoita kuti zvinhu zvifambe. Regai vakuru vazoti chara chimwe hachitswanyi inda.
Nyaya yokuti vamwe varume vanosiya madzimai avo achifondoka inobuda munyaya yatinayo svondo rino inotaura nezvemusangano wakaitwa muHarare svondo rapera. Pamusangano uyu paiva nemadzimai nedzimwe nhengo dzeParamende dzaibva kumatunhu akasiyana-siyana.
Waive nechinangwa chekugovana pfungwa pamusoro pezvingaitwe pakugadzira Bhajeti yenyika ya2027 paine chinangwa chekurerutsira madzimai nevanasikana pamabasa. Pamusangano uyu, vanhukadzi vakaburitsa nhuna dzavo. Zvakaonekwa kuti mabasa anoitwa nemadzimai, kunyanya mudzimba, akawanda zvikuru, izvo zvinoita kuti vasare vakaneta uye varasikirwe nenguva yekuita zvimwe zvinhu zvine chokuita nebudiriro yeupenyu hwavo neyenyika.
Somuenzaniso, munyika mune madzimai nevanasikana vakawanda vari kushanda mumakambani, vachiita mabasa akangofanana neanoitwa nevanhurume, asi kana vachinge vadzoka kumba kwavanofanirwa kunge vachizorora, vanonofondoka zvakare. Vanenge voita mabasa akaita sekubika, kusuka ndiro, kuchengeta vakwegura nevanorwara, kutsvaka huni, kuchera mvura uye kuchenesa mumba. Zvakadaro vamwe varume vanenge vakagara zvavo, vakarova foo, vachitandara, kuverenga pepanhau kana kuona terevhizhoni.
Kunyangwe vana vakakumbira rubatsiro kuna baba, unoona zvonzi ngavaende kunobatsirwa naamai vavo.
Kushaya zororo kwemadzimai uku kunoita kuti vashungurudzike mupfungwa uye vakundikane kubudirira zvakaenzana nevanhurume sezvo nguva zhinji vanenge vachisaririra mukuwaniswa kwemashoko nezvimwe zvinhu zvakanakira raramo yavo. Ongororo yakaitwa nesangano reUN Women inoratidza kuti pasi rose, madzimai ari kuita chikamu che75 percent chemabasa asingabhadharwi uye mabasa aya vari kuaita kakapetwa katatu kana zvichienzaniswa nemabasa anoitwa nevanhurume. Apo madzimai anotora nguva refu achiita mabasa asingabhadharwi, vakawanda vavo vanosara vari varombo nokuti vanoshaya zvakare mikana yekusimudzira dzidzo yavo nemikana yokuti vange vachiwana mabasa epamusoro.
Mamwe madzimai anogumisira ave nezvirwere zvakaita seBP kana kuremara nokuda kwemabasa iwaya asingabhadharwi, saka tinoona zvakakosha kuti mhuri dzinge dzichiita mukomberanwa kuvatsigira kuti mutoro uyu ureruke.
Mabasa emumba anokwanisa kuitwa nemunhu wose ane maoko nesimba zvisinei nokuti uri munhurume here kana kuti munhukadzi. Varume vanokurudzirwa kubetsera mumabasa emumba, pasina kunyara vanhu vemunharaunda. Iko kubatsira madzimai kwakaonekwa kuri imwe nzira inobatsira mukuderedza mhirizhonga mudzimba.
Masangano anorwira kodzero dzevanhukadzi akaona kuti dzimwe mhirizhonga dznoitika mudzimba dziri kutokonzerwa nekushungurudzika mundangariro kwemadzimai nokuda kwekushaya rutsigiro kubva kuvadikanwi vavo.
Pamusangano wakaitwa svondo rakapera, madzimai akapa chikumbiro kuHurumende kuti munyika munge muchidzikwa mutemo unocherechedza mabasa asingabhadharwi ari kuitwa nemadzimai. Zvakaonekwa zvakakosha zvakare kuti nyaya idzi dzinge dzichitariswawo pakugadzirwa kweBhajeti inotevera yenyika kuti pave nechikamu chemari chakamirira kubatsira mukurerutsira madzimai
Zvakaonekwa zvakanaka kuti pave nehurongwa hunoita kuti mitengo yemidziyo inorerutsa mabasa inobva kunze kwenyika yakaita seyekuwachisa, kubikisa uye kurimisa idzike.




