‘Mhuri ngaidye zvine utano’

VANHU vanokaringa vanofanira kubika zvine hunyanzvi uye kudya kune utano nechinangwa chekuchengetedza utano hwemhuri.
Izvi zvakataurwa nemumwe wemadzimai vane mukurumbira, Mai Rebecca Chisamba, pakuparurwa kweRoyco Cubes nekambani yeUnilever pasi pedingindira rinoti “Two Royco Cubes, big meaty taste” kuMbare svondo rapera.

“Madzimai tine basa guru rekuchengeta mhuri dzedu. Nhasi hatisi kutaura nyaya dzekugeza asi tauya kuzongoonesana panyaya dzekubika kuti vana vedu vasanokwata. Madzimai ibasa redu kupa mhuri kudya kwakanaka uye kune utano.

“Kazhinji kwazvo patinoshuva kudya nyama, mamiriro ezvinhu dzimwe nguva haatitendere kutenga nyama asi veUnilever vakazviongorora izvozvo vakatigadzirira kagodo kane unaku hwenyama hwekuti tikaisa mumuriwo watinobika, munhu anotsvaga nyama imo musina, nhomba yotopera,” vakadaro Mai Chisamba.

Mai Juliet Ziswa, avo vanova Unilever Marketing Manager for Southern Africa, vakati sekambani, vari kuedza kuti zvinhu zvavanogadzira zvikwanisike kutengwa nemunhu wese zvisinei kuti anowana kana kuti kwete.

“MaRoyco Cubes aya takaagadzira nehunyanzvi hwekuti muriwo, chero wemhando ipi, unoita sekunge une nyama zvekutoti muenzi akasvika zvisina kumira zvakanaka hapasisina mutsauko nekuti hunaku hwenyama unenge uchingounzwa uyezve mutengo wacho wakaderera. Paya pamaimbotora zviwitsi pashaikwa chenji mava kukwanisa kutora ma‘cubes’ enyu semadzimai akarongeka,” vakadaro Mai Ziswa. Pachiitiko ichi pakanga paine vaimbi vanosanganisira Jah Prayzah, Bonto Man, Taz Jonnex nevamwewo vemuMbare avo vaitandadza ruzhinji.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×