KWAYEDZA

Mhuri yekuisa dombo paguva remutorwa yawanikwa

Kingstone Mapupu

MHURI yekuisa dombo paguva remutorwa kuchikamu B cheGranville Cemetery, iyo inonyanya kuzivikanwa nokunzi Kumbudzi, yakazowanikwa kuburikidza nekuburitswa kwenyaya iyi mupepanhau reKwayedza.

Nyaya iyi yaiva pamusoro pemhuri yekwaDhliwayo kana kuti Murimbirimbi, inobva kwaZamuchiya, kuChipinge, iyo yakaviga mutumbi wehama yavo yechidzimai mugore ra2000, ndokuzowana guva iri raiswa dombo rine zita remumwewo munhu svondo rakapera paseri.

Guva raLaiza Dhliwayo rakawanikwa rakaiswa dombo apo mhuri yemuchakabvu uyu yakashanyira nzvimbo inoradzikwa vafi iyi yeGranville, vachironga zvokuti vaisewo dombo rehama yavo iyi.

Svondo rakapera paseri, Pamella Murimbirimbi (40), munin’ina wemuchakabvu Laiza Dhliwayo, akaburitsa pachena kuiswa kwedombo paguva rehama yavo nevatorwa.

Vemhuri yekwaChogugudza Mubobo, avo vanobva kuDomboshava, ndivo vakanoisa dombo paguva raLaiza. Dombo iri rainge rakanyorwa kuti Mercy Chogugudza Mubobo, rinova zita rehama yavo yakashaika, iyo yakaberekwa nomusi wa18 Kukadzi mugore ra1979, ndokuzoshaika nomusi wa18 Kukadzi mugore ra2000.

Guva raMercy Chogugudza Mubobo rinonzi rine nhamba inoti 1312, raLaiza Dhliwayo riine inoti 1313. Zvazvinoreva ndezvokuti makuva aya akatevedzana, izvo zvakaita kuti paite mhosho pakunoisa dombo iri, mushure mokunge vekwaChogugudza Mubobo varatidzwa nzvimbo yacho nevashandi vechikamu chekumakuva chekanzuru yeHarare.

Nyaya iyi yabuda mupepanhau, umo Pamella aitaura mashoko okuti aitsvaga mhuri iyi, Mai Milca Chogugudza vakazoridzira nhare Kwayedza, vachibvunza nezvenyaya iyi.

“Ndakanzwa nezvenyaya yenyu yokuti kune mhuri yakaisa dombo paguva remutorwa, zvakare manheru paStar FM ndakazokunzwai muchitaura nyaya iyi. Dombo iri ndisu takaisa. Takarasika, ndokuisa pane remutorwa iri. Ndakazoenda kumakuva aya, ndikawana vanhu vekanzuru vabvisa dombo iri paguva remutorwa, variisa paguva rehama yedu chairo, paguva raMercy Chogugudza Mubobo,” vanodaro Mai Chogugudza.

Mumwe mudzimai wemhuri yekwaChogugudza, uyo akaramba nezita rake, akatsinhira kuti mhuri yavo ndiyo yakange yaisa dombo paguva remutorwa, varasika pane rehama yavo.

“Vashandi vekanzuru ndivo vakatiratidza guva risiri iro. Vekanzuru vakazogadzirisa, vakaisa dombo redu paguva chairo, mushure mekuribvisa paguva remunhu watisingazivi uyu. Asi zvakanaka kuti tazowanana vemhuri mbiri. Tave kuronga kugadzirisa makuva aya panguva imwe chete; tave madzisahwira,” vanodaro amai ava.

Vakataura kunyangwe zvazvo pakutanga vaiti vaisada kutaura nevatori venhau.

Pamella akazoenda kunosangana nemadzimai maviri emhuri yekwaChogugudza kuKuwadzana, uko anoti havana kuwirirana pakutaura.

“Tinokutendai veKwayedza nekuburitsa kwamakaita nyaya yedambudziko redu rekuisirwa dombo paguva ramukoma wangu nevatorwa. Mushure mekuvapa nhamba, vakandifonera, tikaonana, asi hapana kutaurirana kwakanaka nokuti isu patsika dzedu dzechiNdau mutorwa akatanangira guva rehama yedu, nyaya inoenda kwamambo, kwobhadharwa mombe nhanhatu. Takamirira kuzotaurirana nemhuri iyi,” anodaro Pamella.

Anoti nyaya iyi yabuda, vashandi vekanzuru yeHarare vakaita chipatapata kukwadabura dombo iri kubva paguva rehama yavo, ndokuriisa pane raMercy Chogugudza Mubobo.

“Hatizivi kuti vashandi vekanzuru vaimhanyira chii. Pakangobuda nyaya iyi muKwayedza, vakabva vamhanya kukwadabura dombo iri, ndokuriisa pane rekwaChogugudza. Kubvisa dombo vachiisa pamwe pasina hama dzevafi vacho zvinoita here? Inyaya yatichada kunzwa zvizere nezvayo kubva kuvashandi vekanzuru ava,” anodaro Pamella Murimbirimbi.

VaStanley Gama, mutauriri wekanzuru yeHarare, vakati nyaya iyi iri kugadziriswa zvine unyanzvi, vachiti pakakanganiswa.

Leave a Comment