Mhuri yorema kuchengeta

Garnet Zvimba
MURUME wekuti mhuri yake yamukurira sezvo ari kuona chitsvuku nekuichengeta akaenda kudare achida kuderedzerwa mari yemendenenzi yaari kubhadhara sezvo ave kuita upenyu hwegwaku-mukwaku. Innocent Chiwocha akaendesa Rachel Kasu kuHarare Civil Court achida kuti mari idzikiswe kubva pa$80 kuenda pa$50 pamwedzi.

“Ndauya kuno kudare ndichida kuti mari idzikiswe kubva pa$80 kusvika pa$50. ‘‘Mari yandiri kunzi ndibhadhare iyi kare ndaiikwanisa asi pari zvino ndiri kupona nehwaku-mukwaku zvekuti handichakwanisa. ‘Ndanga ndichikumbira kuti dai dare raongorora nyaya iyi sezvo ndiine imwe mhuri inoda kudya ichigutawo kunze kwemwana uyu,” akadaro Chiwocha.

Kasu akapikisana nemashoko aChiwocha achiti: “Zvaanotaura zvekuti ane vamwe vana ini handimbozvishaire hope, chandinoda kuti mwana wangu adye achiguta chete. ‘‘Chandingatoite hanya nacho nderamangwana revana vangu, iye kuramba achimwaya vana panyika kuratidza kuti musango muri kumurera chaizvo.

“Zvino ndingaswerotemeswa musoro nekuda kwaizvozvo here? Baba ava vanongoreva manyepo pamberi pedare kuti vane imwe mhuri. Ipi yandisingazivi? Kunongova kurotomoka uku nekuda kunzvenga kuchengeta mwana.” Mutongi Trevor Chitsanza akati Chiwocha abhadhare $70 pamwedzi.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×