Mhuri yotsvaga mwanakomana (12) . . . akangobva pamba manheru

Kingstone Mapupu

MHURI inogara mumusha weEast View kuPhase 10 kuGazzebo padyo neTafara muHarare ine kusuruvara kukuru zvichitevera kushaya kwayakaita mwanakomana wayo ane makore gumi nemaviri okuberekwa mukati memasvondo matatu akadarika.

Mai Sarudzayi Chagunda (42) vanova amai vemwana akashaika uyu, Junior Arufisha Chagunda uyo aiita Grade 5 pachikoro cheRoyal Academy kwakare kuEast View, vanoti havasi kudya rinodzika nekupisa kumba vose nemhuri nekushaikwa kwakaita mwana uyu.

“Mwana wedu uyu mukomana Junior Arufisha Chagunda anodzidza pachikoro cheRoyal Academy chiri padyo nepamba pedu. Takamushaya nemusi wa22 Nyamavhuvhu usiku kuma8 apo akangobva pamba achienda kusina anoziva, uyu mwana wangu wechitatu pavana vangu vana (4),” vanodaro Mai Chagunda. Vobvunzwa nenyaya yekuti vaisapota vachimurova here mwana uyu, vanoramba nyaya iyi vachiti ivo nemurume wavo hapana aikwanisa kurova vana kunze kwekutsiura chete.

“Ini nemurume wangu, Dickson Arufisha (46), hapana anogona kurova mwana, chedu tinotsiura chete. Nemusi uyu, mwana ndakangomuti aende kunogeza izvo akaramba. Akazopinda muchimbuzi isu ndokupinda mumba apo takazonzwa kuti aiva atiza muchimbuzi umu ndokuenda zvachose kwaakaita, takazotsvaga kuhama dzakasiyana muno muHarare nekumwe tikamushaya,” vanodaro Mai Chagunda.

Vanoti pakutsvaga kwavaiita mwana uyu, vakazoendesa nyaya iyi kumapurisa uko vakanzi vasiye mifananidzo yake.

“Tatambura nekutsvaga mwana uyu, hatizive kuti mupenyu here kana kuti pane tsaona yaakasangana nayo paakabuda mumba usiku. Vamwe vanotiwo imwe nguva akanga ava kutora zvinodhaka, hamheno. Kwatinofamba kuvabatsiri vakasiyana tinotaurirwa zvakasiyanawo, kumwe tinonzi akafa asi kumwe tinonzi mupenyu anouya saka taneta nekufamba sezvo hatirare tichimutsvaga,” vanodaro Mai Chagunda.

Vanoti mwana wavo uyu akambonzi akaonekwa pane imwe nzvimbo kwakare kuGazzebo asi vakaenda vakanomushaya.

“Hatina nzvimbo yatakasiya, mumatsime nemuzvidhamu nekumwewo tichifunga kuti akawira. Tatambura, tinodawo kubatsirwa kune vanenge vakaona mwana uyu, kune vanoda kutibata vanoridza nhare panhamba dzinoti 0776 770 139,” vanodaro Mai Chagunda.

Vanoti dambudziko riri pamwana wavo uye nderekuti haadi kuvhundutsirwa kana kurohwa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×