Midziyo yose hutu na‘madam’

Tafadzwa Mutsotso

SAMUSHA vekuti vakatorerwa midziyo yose nemukadzi wavo ndokuenda nayo kumusha kwake vakachema-chema mudare vachiti vanoda kuti adzore midziyo iyi sezvo vasina pekutangira.Turusida Rangarirai akaenda kudare reHarare Civil Court achiti mudzimai wake, Zivai Karonga, anomushungurudza nekudaro anoda gwaro redziviriro.

Rangarirai akati mudzimai wake ane hunhu hwekusada kumutererera pose paanotaura kunyangwe achitaura zvinhu zvine musoro.

“Mukadzi wangu haanditereri chero ndichiedza kuda kumubatsira, munhu anotaurisa uye ane humbimbindoga. Anozviita munhu anoziva zvose zvekuti pose patinonetsana ndiye anenge ari dambudziko,” akadaro Rangarirai.

Akaenderera mberi achiti mukadzi wake anomutuka zvakare zvinyadzi pamberi pevana vavo.

“Handina dambudziko rekuti aende akasununguka kuita zvaanoda asi zvandiri kungoda kuti adzose midziyo yangu yaakaendesa kumusha kwake pasina mvumo yangu.

“Anogara achinditukira hama dzangu nekuita mhere-mhere pamusha. Anoita kuti nzvimbo isvote nekuda kwehunhu hwake mukadzi iyeyu.

‘‘Mambo wangu, ndinokumbirawo kubatsirwa mukadzi uyu arege kundinetsa anyatsosununguka ari kumusha kwake kwaakaenda asi anofanira kudzosa midziyo yangu yaakaenda nayo,” akadaro Rangarirai.

Kangora akapikisana nemashoko aRangarirai achiti vanogara vachinetsana kumba kwavo nekuti ane mumwe mudzimai waari kudanana naye.

“Anondirova kana achinge angosangana nepfambi yake, zvose zvaari kutaura manyepo nekuti ini handina kumbobvira ndamutuka. Kumusha kwangu ndakatoenda ndaona kuti anenge aida zvake kuroora shamwarikadzi yake iyoyo,” akadaro.

Mutong Yeukai Dzuda akati aizopa mutongo wenyaya iyi munguva inotevera mushure mekunge aiongorora zvizere.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *