‘Ndofira kutakura mimba here?’

Tafadzwa Mutsotso

MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti murume wake ari kumuregerera panyaya yekuchengeta mhuri yavo sezvinonzi pamuviri pakaita kuti azobereka vana ava pakange “pamera poga”.Josephine Mudzamiri akazvuvira murume wake, Ben Mudzamiri, kuHarare Civil Court achiti anoda $285 yemendenenzi pamwedzi.

“Murume uyu anogara achitora zvikwereti zvandisingazive kuti anozviisa kupi. Payslip yake inogarouya iine mari yakabatwa ndomubvunza kuti imwe mari iri kuenda kupi anonditi ane mhuri yakakura yekuchengeta.

“Kuva kwake nemhuri yakakura yekuchengeta hakureve kuti anofanira kundiregerera ndichikuvara kuchengeta yatinayo iyi ndega nekuti anotoriwo baba vevana ivava. Ngaachengete mhuri yake yose zvakaenzerana nekuti ndiye ega akazvitsvagira mutoro. Nzou hairemerwe nenyanga dzayo. Ndinoda $284 pamwedzi,” akadaro Josephine.

Akati murume wake haabhadhare mari yevana yechikoro.

“Haabhadharire vana mari yechikoro, chikafu haatenge, zvose zvinodiwa nevana kubvira kumbatya kusvika zvechikoro ndini ndinotoona kuti zvaitwa. Ndofirawo yekuti ndini ndakatakura mimba here senge mimba yacho ndinonzi yakangomera yoga?”

Ben akaramba mashoko ekuti haachengete mhuri yake achiti dambudziko riripo nderekuti mudzimai wake haagone kubata mari zvakanaka.

“Ndinoita sendisingagone kuriritira mhuri asi iye ndiye anenge achishandisa mari zvisina mwero opedzisira ondipa mhosva kuti ndinomupa mari shoma. Loan yaari kuti ndakatora ndaitoda kumurapisa nekuti akanga arwara apa ndisina mari.

“Mari yaari kuda yakawandisa, handikwanisi kumupa nekuti ini ndagara ndinotobatirwa imwe mari yechikwereti,” akadaro Ben.

Mutongi Babra Mateko akati Ben abhadhare $85 pamwedzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *