Mimba yaramba kubata

KUTANGA ndinoti kusimba kwamuri Tete Chipangamazano.
Ndiri mudzimai ane makore 38 okuberekwa, ndakawanikwa uye ndine vana vatatu, mukuru wacho abva zera zvekuti ave kutoda kuwanikwa.
Dambudziko rangu tete nderekuti imba yangu yave kuda kuparara nekuti vamwene vangu vari kuti vana vatakaita nemurume wangu vashoma.
Apa ini pamuviri pacho pari kutoramba kubata, apa murume ave kuda mumwe mwana.
Chero zvazvo pamuviri pasiri kubata tete, nezera randave rekuti mwana musikana ave kuda kutoroorwa sezvo mukomana wake akatoenda kwatete, zvinozopa chimiro chakaita sei?
Vamwene vakatombounzira murume wangu mukadzi kuti vagarisane, asi ini ndakafambawo mukadzi uyu akaenda.
Ndoitawo sei kuti imba yangu isaparare, pamuviri paramba kubata.

Tatekerai Chirandu.
Murehwa.

MHINDURO:
Muzukuru dambudziko rako harinetsi iri, murume wako kunyangwe ari kuunzirwa vakadzi achiramba, zvinoratidza kuti anokuda.
Hauna kuzenge wataura kuti makambogara mese pasi here nemurume wako muchionesana nezvirikuitwa navamwene vako.
Zano randingakupa muzukuru nderekuti iwe nemurume wako endai kwachiremba munonzwa kuti sei zviri kuramba mumwe musi mune mishonga yamungapihwa kuti pamuviri pabate.
Zvekunyara kuti nhingi achati chakati hazvina zvazvinobatsira.
Pazera rako unokwanisa kuita vana mudikani nekuti uchiri kure nenguva iya yekuguma kutevera.
Ndapota shingirira imba yako uye amwene wako usavavenge, Mwari vachakubatsira.
Tete.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×