Zim Cricket, Afghanistan dhuma!

Munyori weKwayedza
CHIKWATA checricket cheAfghanistan chiri kutarisirwa kuuya kuzokwikwidza necheZimbabwe mumitambo yeOne Day International neyeTwenty 20 International Series munguva pfupi iri kutevera kuQueens Sports Club, kuBulawayo. Mitambo yeODI ndiyo ichatanga kubva musi wa16 Gumiguru kusvika musi 24 kozoti yeTwenty 20 International ichaitambwa musi wa27 Gumiguru na29.

Mitambo iyi yakakosha chaizvo kumaChevrons, sezita remadunhurirwa rechikwata cheZimbabwe, apo chiri kutarisirwa kusimukira kudzokera pamusoro pezvikwata zvinotamba cricket inodakadza pasi rose.

Nguva pfupi yadarika, maChevrons ange achikwikwidza nePakistan mumitambo mishanu yeTwenty 20 iyo yaakakundwa nemitatu yeODI.
MaChevrons neAfghanistan akapedzisira kukwikwidza ose gore radarika apo zvikwata izvi zvakasangana mumitambo mina yeODI yakatambirwa kuQueens Sports Club nemiviri yefour day matches iyo yakapera ari mangange 2-2.

Sachigaro weZimbabwe Cricket, Tavengwa Mukuhlani, anoti vari kushanda nesimba kusimudzira chikwata ichi.
“Apo tiri kuedza nepatinogona kuti chikwata chedu checricket chevakuru chitambe mitambo yakawanda, tine mufaro mukuru kuti chichasangana necheAfghanistan mushure mekunge chapedza kusangana necheIreland. Mumwaka wacho uchaona zvimwe zvikwata zvakaita seIndia, New Zealand nePakistan zvichiuya kuzokwikwidza muZimbabwe.

“Afghanistan payakapedzisira kuuya kuzokwikwidza muno yakarakidza kuti haizi yekudherera uye takaita mangange nayo mumutambo uyo zvikwata zvose zvakatamba zvinonwisa mvura. Asi iye zvino tiri kutarisira kuhwina chete hapana zvimwe kuti tigofadze vatsigiri vemutambo uyu vachauya kuQueens Sports Club kuzotsigira chikwata,” akadaro Mukuhlani.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×