Mishonga inodariso: N’anga

DZIMWE nyanzvi dzezvechivanhu dzinoti zvinokwanisika kuti munhukadzi kana kuti munhurume ashinhwe naye pabonde nechikwambo asi iye asingazive.

Izvi zvinotevera nyaya yemadzimai matatu ekuEpworth, ayo anoti aiitwa vakadzi nezvikwambo pamadiro kwemakore akawanda.

VaJonathan Shonhiwa (49) kana kuti Sekuru Mupamombe vekuChiredzi vanoti zvikwambo mishonga yekuromba yakaipisisa.

“Zvikwambo zvinouya zviine mufananidzo wemunhu wekuziva kana kuti zviri zvivanhu zvipfupi-pfupi zvotoshinha newe. Izvi zvinowanzoitwa nehama dzepedyo nekuda kwenyaya yekutsvaga upfumi,” vanodaro.

“Zvikwambo zvakadai zvinounza rushambwa kune vanhukadzi vazvinoshinha navo uye zvinokonzera kuti varambwe nevarume kana kusviba moyo zvekufuratidzwa kuti munhukadzi asade varume.”

Mashoko avo anotsinhirwa nemukuru wesangano reZimbabwe Traditional Healers Association (Zinatha), VaGeorge Kandiyero, vachiti mishonga yakadai haina kunaka.

“Zvikwambo zvakadai ndizvo zvatinoti zvakare ‘varume vemumweya yetsvina’.

“Zvinoitwa nevanhu vanoromba mishonga seyekuda kupfuma uye zvakawanda zvacho zvinenge zvichida kushinha nevanhukadzi.

“Zvinowanzouya kuhope zviine mumufananidzo wemunhu wepedyo, wekuziva,” vanodaro VaKandiyero.

Rimwe godobori, VaJohn Chikanga (55) avo vanozivikanwa saSekuru Gava vekuHurungwe, vanoti vanhukadzi vanoshinha nezvikwambo kana vachinge vari muwanano havana shungu nevarume vavo sezvo vanenge vakasvibiswa moyo.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *