— Mudzidzisi raira —TSUMO

CHINO chidzidzo chinobva mukukoka kwatinoita varairidzi kuti vadzidzise vana chiShona chamandorokwati chinonzi “MUDZIDZISI RAIRA”. Chidzidzo chino chinobva kumumwe murairidzi wepaDewe Primary School, kuGokwe North.

Tsumo dziri pazasi dzakanyorwa mbiri mbiri. Dziverenge ugodziisa muzvikwata zviviri. A: dzinoreva zvakafanana B: dzinoreva dzakasiyana.

1. Chingoma chinorira chichiti pangu pangu.

Hakuna nyoka inochenera chisiri chayo.

2. Kufamba kwehosi inosiya imwe.

Ibasa kaviri kurwa nemukadzi weasipo.

3. Zvinhu zviidzwa chembere yokwaChivi yakabika mabwe ikamwa muto.

Matanda makuru mazungunuswa ungangosiya nerine mujuru.

4. Imbwa nyori ndidzo tsengi dzematowo.

Inyorovera kutanha nyama yemusoro.

5. Mukuru mukuru hanga haigari bvunde.

Gudo guru peta muswe vadiki vagokutya.

6. Chaibva chaora

Ukama igasva hunozadziswa nokudya.

7. Nhumbu mukadzi mukuru hairevi chayadya.

Chakafukidza dzimba matenga.

8. Kudya chomuzvere hubate mwana.

Itsitsi dzei tsvimborume kubisa mwana wemvana madzihwa?

9. Charova sei chando chakwidza hamba mumuti?

Zvinemanenji dede kuwa mumuti.

10. Chisionekwi humhandara hwaamai.

Igaroziva kuti mhanza dzembudzi dziri pamabvi.

11. Chati homu chareva.

Shoko harivhiki.

12. Kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomanyira.

Chinoda kufa chinovingira.

 

Varairidzi makasununguka kutumira zvamunoda kuti vana vadzidze ku: Kwayedza, Box 396 Harare kana paEmail inoti [email protected]. Munogona kusiya chero kumahofisi eZimpapers kuManica Post, kwaMutare, kuChronicle Building, kuBulawayo, paHehald House muHarare, kuMasvingo, Beitbridge, Gweru kana kuChinhoyi.— MUPEPETI.

Related Posts

Mwedzi 12 mujeri adhedha mupurisa nezibanga

Kimberley Chitambara MURUME ane makore makumi maviri nemasere okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemiviri izere mushure mekucheka mupurisa paruoko rweruboshwe nezibanga (machete). Blessing Makwanhla wemurukisheni rweMzilikazi akamiswa pamberi…

Gweja azviitira tsvina mudare nekutya mutongo

Ray Bande DARE reMutare Regional Court rakambomira zvishoma kutonga nyaya mushure mekunge mukorokoza aipomerwa mhosva yekuda kuuraya munhu azviitira tsvina asati apihwa mutongo svondo rapera. Ernest Gwayakwaya (22) wemumusha waMushati…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *