‘Mishonga ngaiwanikwe nemitengo yakaderera’

parirenyatwa
Dr Parirenyatwa

Muchaneta Chimuka
NYANZVI mukushanda nemishonga (pharmacy technicians) dzakakurudzirwa kuti dziwanise veruzhinji mishonga nemitengo yakaderera nedonzvo rekurwisa zvirwere zviri kuramba zvichinyuka munyika.Izvi zvakataurwa negurukota rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana Dr David Parirenyatwa mumashoko avo, ayo akaverengwa pazuva rekupihwa kwezvitupa zvekupedza zvidzidzo kwenyanzvi 42 dzinoshanda nemishonga muHarare munguva pfupi yadarika. “Mamwe matanho akatariswa aive ekuona budiriro kuti yakazadziswa here nenyika mumaMDG 6 ekurwisa HIV neAIDS, Malaria nezvimwe zvirwere. Zvisinei, nyaya dzeutano dziri kuramba dzichidzorerwa kumashure nekuda kwekunyuka kwezvirwere zvakadai sezvemanyoka, typhoid nedesentry, kuwanda kwendufu dzevana nemadzimai panguva yekusununguka, kushomeka kwerutsigiro rwemari kuti tinge tichitenga mishonga nemidziyo yekushandisa muzvipatara,” vakadaro Dr Parirenyatwa.

Zimbabwe, vakadaro, inyika ichiri kusimukira nokudaro haina zvekushandisa zvakakwana zvinoita isangane nedambudziko rekushomeka kwemishonga yezvirwere zvakasiyana.

Dr Parirenyatwa vakati vashandi vemumafamasi vakakosha zvikuru mukuona kuti mishonga iyi yawanikwa iine mitengo yakaderera kuitira kuti varwere vagobatsirikana.

“Zvakakosha kuti vashandi vemumafamasi vawaniswe ruzivo rwakakwana mukugadzira mishonga, kuichengetedza pamwe nekuzoendesa kunzvimbo dzakasiyana. Kana mukave neruzivo rwenyu mukugadzira mishonga zvinoita kuti mitengo yacho inge yakaderera nekuti inenge yave kugadzirwa muno zviri nyore,” vakadaro. Vakati nyanzvi dzemumafamasi idzi dzinofanira kugona kupanga mazano nekupa ruzivo rwemishonga kuvarapwi.

Gwaro richangoburitswa reHealth and Child Care Ministry Surveillance Report rinoratidza kuti kune nyaya dzinofungirwa kuve dzeurwere hwetyphoid dzinosvika 78 2645 dzakaitika, malaria paine ndufu pfumbamwe apo vanhu 1 132 vakabatwa nechirwere chedysentry kukafa vashanu munyika yose nguva pfupi yadarika.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×