Ongororo yekuroorwa kwevasikana vane HIV

hivCatherine Murombedzi Kurarama ne HIV
MUNHU mumwe chete pavanhu makumi maviri anorarama neutachiona hweHIV mudunhu reSub-Saharan Africa.
Aya mashoko akataurwa naDr Charlotte Scott vanova mudzimai wevakafanobata chigaro chemutungamiriri wenyika yeZambia, VaGuy Scott.Dr Scott vakataura izvi pamusangano wakapindwa nemadzimai makumi mashanu nevashanu vakabva kunyika makumi maviri kuLusaka, kuZambia uko vaizeya nhau yemadzimai anorarama neutachiona hweHIV uye kutsvaga nzira dzekubatsira nadzo vanasikana avo vasvika pazera rekuwanikwa asi vakaberekwa vaine utachiona hweHIV.

Dr Scott, avo vaive mutauri anoremekedzwa paungano iri, vakati vanhu vanoda maARV havasati vave kukwanisa kupihwa nehuwandu hwavo hwese.

“Vanhu vatanhatu kubva pagumi avo vanorarama neutachiona hweHIV mudunhu redu vanokodzera kunge vachipiwa mapiritsi emaARV havasi kuawana nekuti tiri kukundikana. Sedunhu, tinofanira kukunya kutsvaga mari yakakwana uye kuti tive nehomwe dzedu senyika dzemudunhu rino nekuti parizvino tinovimba nerubatsiro runobva kunze kunyanya zvinove zvine njodzi kana vanopa rubatsiro urwu vakapeta mawoko,” vakadaro Dr Scott. Vakati vanoshungurudzwa zvikuru vachiona kuwanda kuri kuita nyaya dzemhirizhonga kuvanhukadzi mudunhu rose.

“Mhirizhonga iri kukwira hapana zuva rinopfuura pasina mwana abatwa chibharo. Mumba mava kunge mune hondo nekuti mune mhirizhonga zvakare. Madzimai ndiwo anonyanyoitirwa mhirizhonga asi tava kuona kuti vamwe varume vava kurohwawo nevakadzi vavo.

Handisi kukurudzira kurohwa kwevarume, hazvina kunaka hakuna munhu anofanirwa kurohwa kana kushungurudzwa,” vakadaro Dr Scott.

Dr Scott vakati vanoshama kuti hakuna here mutungamiriri wenyika ari kurarama neutachiona hweHIV. “Hatisati tamboona mutungamiriri angave wenyika kana hurumende akabuda pachena achiti ndinorarama neutachiona. Tinongoona vachinzi vaongororwa ropa vaonekwa vasina utachiona hweHIV. Hakuna here angaite muenzaniso akaratidza kuti akapfekawo shangu dzacho anozviziva kuti kurarama neutachiona zvinorevei,” vakadaro Dr Scott.

“Urwu rusarura uye kuzvibvisa muchokwadi. Rusarura rwakadai runodzosera kumashure ndima yatanga tafamba yekurwisa nekukunda denda reutachiona hweHIV. Kana tichiti hakuzove neutachiona hutsva hunofanira kutapurirwa ngative nekubuda pachena,” vakadaro Dr Scott.

Dr Scott ndivo patron wevechidiki musangano reCOZHWA kuZambia.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×