Mitambo yezitusU yoitwa

CHICHANGE chakabvondoka svondo rino paMkoba Teachers College kuGweru apo pachatambirwa mitambo yeZimbabwe Tertiary Institutions Sports Union Tournament.
Mitambo iyi ichange iri yezvikwata zvinobva kumayunivhesiti, makoreji anodzidzisa varairidzi pamwe nemapolytechnic izvo zvichakwikwidza   munhabvu, basketball, volleyball, rugby, netball necricket.
Makwishu aya achaitwa kutanga musi weChina uye anotarisirwa kupera neMugovera.

Mutungamiri weZTISU, Martin Zibwi, anoti mayunivhesiti, makoreji nemapolytechnic aya achatumira zvikwata zviviri zviviri pamitambo yese ichakwikwidzwa zvinoreva kuti pamutambo wega-wega pachange pane zvikwata zvitanhatu.

Zibwa anoti mutambo uyu uri kushandiswa kuumba chikwata chimwe chete icho chichazonomirira Zimbabwe kumitambo yeConfederation of Universities and Colleges Sports Association Games uyo uchatambirwa kuZambia mwedzi inotevera.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×