Mitemo 10 yeroja

“CHIPOKO MUNHU” naCollette Mutangadura

“Nyaya yacho (Enderero mberi):

Amai vaToko vanobvumirana nazvo asi vanenge vachitya. Zvinozoitika ndizvo zvinoti setsei zvichiti suwisei. Nehumwe husiku moto unoonekwa, Zvoutete ndokubata zhenje rake romoto ndokuzarura hozi, wanike, Muchaona akati dukwa seri kwesaga renzungu nechitochi mumaoko. Amainini mai vaToko vaichema vachiti kuna Muchaona hapana chavainge vachizivawo.

VaMuchabaiwa ndipo pavanobva vati kuna Muchaona heya ndiye chipoko munhu pazvinhu zvavainge vashanda nemudzimai wavo.

ONGORORO:

Muchaona anoronga kuita sechipoko kuti vanhu vafunge kuti chipoko chemudzimai waMuchabaiwa chainge chamuka chichida kuchengetedza midziyo yainge yasiiwa pamba kuti isazotorwa nemumwe mukadzi sezvo VaMuchabaiwa vainge vachazvinzwa zvekuti vaigona kuroora mumwe mukadzi.

Kuti midziyo iyi isashandiswa nemumwe mudzimai, Muchaona anoronga zano rekuti izopihwa mudzimai wake naamainini vake mai vaToko.

Iyo nyaya yekubatisa munhu chimwe chinhu kuti abvume kuita munhu zvaunenge uchida kuti zviitwe yagara iriko kubvira nakare. Mazuva ano tiri kuona nyaya dzehuori dzichiramba dzichitaurwa nezvadzo zuva nezuva. Amai vaToko pavakaudzwa naMuchaona zvavaida kuti vaite tinonzwa kuti mudzimai uyu “akambotsika-tsika vachiti nyaya iyi yaida vanhurume” (10) asi pavanoudzwa nezvekuzopihwa “chiya chizere nemidziyo yemagirazi neyevhu” (15) vanobva vabvuma kuenda naMuchona.

Tinoonawo zvichitaurwa nezvetsika nemaitiro emushakabvu mai Muchabaiwa. Zvinonzi mudzimai uyu “aingove Sekerere, iko kupa uku ari siyawamwaya. Vaikuchachurira nezviri pamoto zvose” (13).

Zvakaitika parufu rwamai Muchabaiwa zvinonyatsoburitswa nekushandiswa kunoitwa enzaniso. Zvinonzi parufu urwu madzimai echita aiita “kunge achabhururuka” (13) misodzi ichingoyerera “sorukowa” (13).

Kudimikra kunovewo kushoma zvakare. Tinoratidzwa kuti kuonekwa kwakaitwa moto wechipoko ichi kwakaitika pasati papera nguva yakareba mai Muchabaiwa vavigwa izvo zvinodimikirwa zvichinzi “vachiri vanyoro” (13).

Zvaiitika izvi zvaida kuti munhu aite zvekuzvionera nemaziso ake kwete zvekuzotaurirwa saka baba Muchabaiwa vachienda kuna Muchaona kuti “azvionerewo pamhuno sefodya” (14).

CHIROJA NaKeresia

Chateuka (17-19)

Kanyaya kadiki kemudzimai uyu kari kutaura nezvedingindira renhamo inoonekwa nevanhu vanoroja mudzimba dzevanhu.

Tinoona kuti tumitemo twavanopihwa igumi nefararira. Mukanyaya aka tinoona tumitemo twacho tuchikwana kuita gumi. Tinogona kutupfupikisa tichidai:

1) Hapana roja rinofanira kutangira baba vepamba kugeza.

2) Munhu oga-oga ane zuva rekuwacha asi bepa remvura kana rauya maroja chete ndivo vanobhadhara.

3) Muroja haafaniri kudya zvakanaka.

4) Muroja anofanira kutaurira muridzi wepamba kuti muenzi wake achagara nguva yakareba zvakadini.

5) Muridzi wemba anoda kuziva kuti muroja anotambira musi upi.

6) Muridzi wemba anongokwidza muripo wekubhadhara paanenge ada.

7) Muridzi wemba haafari kuona muroja achitenga midziyo yakaita sechivhitivhiti iye asina.

8) Muridzi wemba anopa mutemo pamudziyo unotengwa nemuroja.

9) Muroja anorambidzwa kuwacha kana munapukeni zvawo.

10) Muroja anofanira kupa chiziviso chekuti ari kuzobva pamba apa.

Kudimikira tinokuona kuchishandiswa mukanyaya aka.

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×