Bindura University yosimudzira Science neMaths

BINDURA University of Science Education (BUSE) inoti pane kuderera kwakanyanya kwehuwandu hwevadzidzi vari kuita Science neMathematics nekudaro yakatotanga zvirongwa zvekuti zvidzidzo izvi zvinge zvichifarirwa kubvira kumagwaro epuraimari.

Vice-Chancellor veBUSE, Professor Eddie Mwenje, vakataura mashoko aya svondo rapera pakupedza zvidzidzo zvemadhigirii zvakasiyana kwevadzidzi 1 500 vepayunivhesiti iyi.

Vakati zvidzidzo zveScience neMathematics zvinokwanisa kusimukira chete kana zvikakosheswa muzvikoro.

“Chinangwa chedu chikuru kukurudzira zvidzidzo zveScience, Technology, Engineering neMaths (STEM) muZimbabwe neAfrica yose.

‘‘Yunivhesiti yedu ndiyo iri kutungamirira chirongwa ichi Africa yose.

“Takazviona kuti muZimbabwe nepasi rose zvidzidzo zveScience neMaths zviri kudzikira zvakanyanya kusekondari pamwe chete nekuyunivhesiti. Vana vazhinji vari kusiya zvidzidzo zveMaths kubva vachiri kupuraimari saka yunivhesiti yedu iri kushanda zvakanyanya mukukurudzira zvidzidzo izvi,” vakadaro.

Vanoti vari kuita misangano muzvikoro zvakasiyana nechinangwa chekupedza dambudziko iri. “Chimwe chezvirongwa chatiri kuita chinonzi Bindura University of Science Education Olympiad (BUMO). Ichi chirongwa chiri kuitwa neyunivhesiti yedu yakabatana nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari uye chinopa mukana kuvana vechikoro kuti varatidze hunyanzvi hwavo muzvidzidzo zveScience neMaths sekugadzira zvakasiyana-siyana,” vakadaro Prof Mwenje.

Pazuva iri BUSE yakabatanawo zvakare nedzimwe nyika dzemuAfrica mukupemberera zuva rezvamaindaisitiri, reAfrica Industrialisation Day.

Prof Mwenje vakati chirongwa cheSTEM chakashanda zvakanyanya mukusimudzira upfumi hwenyika dzinosanganisira South Korea, China, Taiwan neMalaysia.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×