‘Mitengo yefodya haisi kufadza’

VALAMECK Mushamba
VALAMECK Mushamba

VAMWE varimi vefodya vari kugunun’una nekuda kwekudzikira kwange kwakaita mitengo yechirimwa ichi mwaka uchangodarika uyu vachiti izvi zvingangovatadzisa kudzokera muminda mwaka unotevera.
VaLameck Mushamba (65) vanorima fodya vari kumindamirefu yeHoyuyu kwaMutoko vanoti zvinhu hazvina kuvafambira zvakanaka mwaka uchangopera uyu.

“Chokwadi mwaka uyu isu sevarimi vefodya wakatipa hasha nekutidzosera kumashure zvikuru, ndakarimira pasina nekuti mari yandakashandisa mumunda haina kudzoka.

Izvi zvinoreva kuti mwaka unotevera uyu handikwanise kurima fodya zvakare kanawo zvimwe zvirimwa,” vakadaro VaMushamba. Vanoti vakatengesa mabhero gumi nematanhatu ayo avanoti aiva nefodya yakanaka asi yakatengwa nemari shoma pane yavaitarisira.

“Kurima fodya zvave kuda kungofanana nekurima donje nekuti unoguma wapedza kutengesa zvipfuyo zvose nemimwe midziyo yawanga uinayo kare, munofunga imi kuti chokwadi munhu warima hekita yefodya wotadza kusvitsa US$5 000? Hazvirevi chinhu izvi, zvave kutoda kuti masangano anooona nezvevarimi nehurumende naivo vanoitenga vacho vasvike pakutaurirana kuti murimi asafe nenzara,” vakadaro.

Murimi uyu anoti ane makore manomwe achirima achiwana fodya yakanaka yaimupa mari zhinji.
“Mufunge kwandiri chishamiso chaicho, fodya yangu yose yakaita mari yepamusoro yakaita US$2,50 pakg, yakaita mari yepasi ikasvikawo US$0,50 munofunga kuti ipapo ndingakwanise kudzokera mumunda here?” vakadaro.

“Kune mimwe misika yefodya uku kune chitsotsi zvakare zvekuti vanotengesa ava vanodawo chiokomuhomwe, zvino isu hatizvigone.”

VaMisheck Chidabvu (57), avo vanorima vari kuMatepatepa kuBindura, vakarakidzawo kusafara nekuda kwemwaka wadarika uyu.

“Ini ndakarima hekita nechidimbu pamunda wangu, ndakashandisa mari inodarika zvishoma US$5 000 asi  pakutengesa fodya yandakawana yemabhero anokwana 22 handina kukwanisa kudzora mari iyi saka zvinoreva kuti hapana chaunenge uchiita semurimi,” vakadaro.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×