Miti yopera kuBuhera vachitsvaga hufuro

DAMBUDZIKO rekushomeka kwemafuro kudunhu reBuhera ringangokonzera kuparadzwa kwemiti sezvo varimi vazhinji veko vave kuita tsika yekutema miti vachitsvaga mashizha ekuti zvipfuyo zvavo zviwane zvekudya.
Mashoko aya akataurwa naSadunhu Makuvise, VaMathius Makuvise (39), pataundishipi yeSostein kuChiurwi nguva pfupi yadarika pamusangano wavakaita nevarimisi pamwe nevashandi vebazi reDepartment of Veterinary Services.

“Dunhu redu rino harina hufuro sezvo mhando yehuswa huri kuno husingakure zvakanaka izvo zvinowedzerwa nekuti ivhu redu harina kudya kwakakwana uyewo nekuti mvura hainayewo zvakanaka. Nekudaro varimi, zvikuru nguva yekumera kwepfumvudza, vanotema miti kana mapazi acho kuti vape mashizha mombe dzavo nezvimwe zvipfuyo izvo zvinoparadza miti iyi zvachose,” vakadaro Sadunhu Makuvise.

Miti inonyanya kutemwa nevarimi ava inosanganisira misasa, minhondo nemimwewo inoita pfumvudza yakawanda.

“Dunhu reBuhera rine mombe dzakawanda zvikuru nemadhongi, kuchizotiwo mbudzi nemakwai saka zvipfuyo zvose izvi hazvina mafuro zvinozoguma vamwe varimi vave kuita zvekunotenga huswa nekumwe kudya kwezvipfuyo zvavo kunzvimbo dzakaita sekuHarare,” vakadaro VaMakuvise.

Zvakadaro, mwaka wezhizha wakadarika vanoti vakava nerombo rakanaka nekuti mvura yakanaya zvakanaka izvo zvakaita kuti nzizi dzavo nemadhamu zviwane mvura inokwanirana.

“Makore mazhinji tinosangana nedambudziko remvura zvinoita kuti zvipfuyo zvedu zvife nenyota asi gore rino zviri nani uye dambudziko chete ndere nzizi nemadhamu akazara jecha zvisisabate mvura,” vakadaro.

Mumwewo murimi wechidiki, VaPartson Manyire (24), wekwaMakuvise vakawanikwa vachipurura mashizha emuti wemutohwe nekutyora mapazi vachipa mombe dzavo vachiti vaityira kuti dzinogona kufa nekushaya huswa.

“Hapana zvandingaite ndinozviziva kuti uyu muchero mutohwe unodyiwa nevanhu asi nekuona kuti mombe dzangu hadzina huswa ndinoguma ndave kutyora mapazi emutohwe kuti dzidye,” vakadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×