Mizinda yemabasa yopera kuvakwa

Rejoy Masengedzero
KUVAKWA kwemizinda yekudzidzira mabasa emawoko (innovation hubs) inosvika mitanhatu muzvikoro zvepamusoro munyika yose kwave pedyo nekupera. Mashoko aya akaziviswa negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira svondo rapera. Vanoti mizinda iyi ichavhara mikaha iripo pakati peruzivo rwemupfungwa nehunyanzvi hwekuita mabasa.

“Tinozvininipisa tichizivisa kuti Hurumende yapedza danho rekutanga rekuvakwa kwemizinda iyi muzvikoro zvedzidzo yepamusoro zvitanhatu muZimbabwe uye inotarisirwa kubatsira vadzidzi kuti vazive mabasa emawoko anodiwa mumaindasitiri,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tine kushomeka kweruzivo rwemabasa emawoko nechikamu chinosvika 57 percent sezvo ruzivo urwu rwuri pa38 percent asi kugona kuverenga nekunyora kuri pa90 percent.”

Prof Mavima vanoti matambudziko akatarisana nenyika munyaya dzeupfumi anokwanisa kugadziriswa kuburikidzwa nekuvandudzwa kwedzidzo yepamusoro.

Vanotizve fundo yemuZimbabwe yagara iine mabandiko matatu anoti kudzidzisa, kuita tsvakurudzo nekudyidzana nenharaunda.

Prof Murwira vanoti vari mushishi kuvandudza dzidzo iyi kuti ive nemamwe mabandiko anosanganisira ruzivo rwakadzama rwemabasa emawoko nedonzvo rekusimudzira indasitiri.

Midlands State University neChinhoyi University of Technology zvakatopedza kuvakisa mizinda yekudzidzira mabasa emawoko.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×