‘Zvikoro zvose zvinoda ECD’

Malven Mugadzikwa
MUKURU wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Kateera, vanoti zvikoro zvose zvinosungirwa kuva nepekudzidzira pakanaka pevana veEarly Childhood Development (ECD).

Vakataura mashoko aya apo vaiparura zviri pamutemo nzvimbo yekuvakira mupanda weECD paRusununguko Primary School, kuMufakose, muHarare svondo rapera.

Vanoti kuvepo kwedzimba dzeECD muzvikoro kunobatsira mukuvandudza dzidzo yevana kuitira pavanozotanga Grade 1.

“Kuparura kwataita kuvakwa kweECD idanho guru raitwa nechikoro cheRusununguko mukusimudzira kudzidza kwakanaka kwevana veECD. Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rava nemutemo mutsva wekuti chikoro chimwe nechimwe chinofanira kudzidzisa vana kubva paECD kusvika kuGrade 7.

“Naizvozvo chikoro cheRusununguko chava muenzaniso wakanaka kune zvimwe zvikoro kuti zvitevedzere zviri kudiwa nemutemo. Zvimwe zvikoro zvakatotora danho iri asi zvimwewo hazvisati,” vanodaro VaKateera.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kare, vana veECD vaiwanzodzidziswa kuzvikoro zvakazvimirira uye paizoita dambudziko kana vana vava kuenda kuGrade 1. Mwana anenge aenda nekuECD anenge ava kuziva kudarika angotanga muGrade 1.

“Pamusoro pezvo, zvikoro zvakazvimiririra zvainyanya kudhurisa kudzidzisa ECD izvo zvaiita kuti vamwe vana vashairwe mari yekuenda kuECD.”

Mashoko avo anotsinhirwa naDistrict Schools Inspector (DSI) vemudunhu reGlen View-Mufakose, VaCloud Nyambuya, vachiti kuvakwa kwemaECD muzvikoro idanho guru pakusimudzira dzidzo muZimbabwe.

“Kuvandudzwa kwezvivakwa nderimwe rematanho akananga kusimudzira kuwaniswa kwedzidzo yemhando yepamusoro kuvana. Dzidzo ndihwo hwaro hwekugarisana kwakanaka munharaunda uye kuvandudzwa kweupfumi hwenyika.

“Naizvozvo, kugadzirira vana pekudzidzira pakanaka kubva paECD kunoita kuti vafarire kudzidza uye vagadzirire ramangwana renyika rakanaka.

“Kuvakwa kwemudhuri weECD uyu kunoratidzawo kuti chikoro cheRusununguko chiri kukoshesa kuti vana vose vadzidze zvakafanana uye vadzidzire pakanaka zvisinei nekuti ndevezera ripi,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×