Moto unongotanga woga uchipisa mibhedha, masofa . . .

Kingstone Mapupu

MHURI yemumusha waSabhuku Makosvo kwaBesa, kwaSeke yogara yakabatira hana mumaoko nekuda kwemoto uri kungotanga woga uyo wapedza kupisa midziyo yose kusanganisirawo nedzimba.

Dambudziko remoto uyu rinonzi rasvitsa masvondo maviri.

Manenji aya akatarisana nemhuri yeVaIgnatius Charakupa (51) nemudzimai wavo pamwe chete nevana vavo vashanu.

VaCharakupa vanoti vakaridzirwa nhare vari kubasa vachitaurirwa kuti pamusha pavo paiva pangotanga kubvira moto woga muimba yekutandarira waipisa masofa.

“Ndakaridzirwa nhare navadzimai vangu, Constance Chamboko (43), vachiti pamusha midziyo yaibvira nemoto usingaonekwe kwaunobva. Ndakamhanya ndikasvikoona masofa apera kutsva,” vanodaro VaCharakupa.

Vanoti moto uyu wakatanga nemusi wa6 Ndira gore rino kuma10 mangwanani apo mumwe wevana vepo akangoerekana ava kuona rimwe remasofa avo richitsva mumba.

“Moto uyu wakasvitsa masvondo maviri uchingobvira uye wakatanga musi wa6 Ndira. Moto uyu unochinjana mazuva ekubatira mudzimba dzakasiyana. Midziyo yakatsva inosanganisira masofa, mibhedha, mawodhiropu, macheya, TV, redhiyo, kapeti, magumbeze, hembe, kitchen unit, bhutsu, mabhuku evana vechikoro uye denga remba yedu hombe yemarata rakaparara,” vanodaro VaCharakupa.

Vanoti chikafu chinosanganisira chibage chakapararawo zvakare.

“Nyaya inoshamisa ndeye kuti moto uyu unogona kutanga kutsva pakati pematiresi nebhesi uyewo mabhuku evana vechikoro achitsva ari mumasatchel asi mabhegi acho asingatsve. Tinozongoona mabhuku ava madota, mbatya dzinotsva dziri pawaya nemagumbeze acho, mayunifomu evana akapera kutsva uye tichitaura kudai vana vanokwana 4 vanoenda kuchikoro vagere pamba nekuda kwedambudziko iri,” vanodaro VaCharakupa.

Vanoenderera mberi vachiti: “Takatarisana nemiyedzo pano nekudaro tinongonamata kuna Mwari. Hapasisina chatinacho pamusha pano nekuda kwemoto uyu, tiri kutobatsirwa nevavakidzani uyewo nevanhu vekuchechi kubva kune zvatinodya, mbatya, magumbeze ekufuga nezvimwewo,” vanodaro VaCharakupa.

Vanoti kwavanofamba kwakasiyana-siyana kunotaurwa zvakawanda nekuda kwemoto uyu asi ivo havana chakaipa chavakabata kana mushonga zvawo.

“Handina mushonga wandakambobata kana pandinofungira kuti ndipo pakakonzera dambudziko, ndicharamba ndichinamata kusvikira zvapera,” vanodaro VaCharakupa.

Pakashanyira Kwayedza pamusha pavo, yakawana vamwe vanhu veukama vakaungana vachitsvaga nzira dzekugadzirisa dambudziko iri.

Zvakadai, hanzvadzi yaVaCharakupa inogara kuSouth Africa inonziwo yakatsvirwa nechitoro chayo ikoko nemoto
wakangotanga woga.

Mai Constance Charakupa vanoti dambudziko remoto uyu ravashaisa zano.

“Moto uyu unobatira masikati chete kwete usiku, hatizive kwaunobva asi zvakawanda zvinotaurwa. Matambudziko angu akabvira kare kubva ndichiroorwa, ndakafirwa nevana vaviri, mumwe akanowira mudhamu kuDema kwaSeke aine vamwe vaviri, izvozvi musha wava kutsva,” vanodaro Mai Charakupa.

Vanoti vari kutsvagawo vanamati vane simba kuti vapedze dambudziko remoto uri kungotanga woga uyu.

Mbuya Tendai Chikomba (73) vanove amai vaMai Charakupa vanoti dambudziko rakatarisana nemukuwasha pamwe nemwanasikana wavo havana kumbobvira vakariona muhupenyu hwavo.

“Vana vangu vashungurudzika nedambudziko iri, tinodawo kubatsirwa,” vanodaro Mbuya Chikomba.

Vanoti vakaperekedzwa nevana vehanzvadzi dzavo vaviri vanoti Erica Chikomba (33) naDefinate Zindi (35) kuzokuta mukuwasha wavo nekuda kwemaminimini ari kuitika aya.

Zvakadai, mhuri iyi yakazoridzira nhare Kwayedza neChitatu chino ichiti moto uyu waiva watangazve ukapisa magumbeze nebhegi raiva mumba.

Madzibaba Owen Chingondi vechechi yeVelvet Masowe kuChitungwiza vanoti dambudziko iri rine chivanhu mukati zvinoda kuti mhuri iyi ibatsirwe nekukasika.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×