Moto wemapipi wadzokazve

Kingstone Mapupu

MHURI yekwaMarange iyo yange yapedza mwedzi mina ichigara musango nekuda kwedambudziko remoto unongotanga woga uyo unonzi wakazombomira mushure mekubatsirwa neimwe n’anga inoti moto uyu watanga zvakare.

Moto wemapipi uyu unonzi wakatanga zvakare nemusi weChipiri chadarika ndokupisa dzimwe dzimba dzakange dzapfirirwa patsva mushure mekunge dzambotsva. Dzimba dziri kutsva nemoto uyu ndedza VaTsanangurai Matope (41) avo vanogara mubhuku raMawoko.

Moto uyu uri kuparadza zvakawanda pamusha uyu, kusanganisira midziyo yose nematura ekuchengetera zvirimwa. Nguva pfupi yadarika, mumwe wemhuri iyi, Nobert Matope (18), akatotsva paruoko nepagumbo apo aiedza kudzimura moto wemasaramusi uyu.

Zvisinei, mumwe wemhuri iyi akaridzira nhare Kwayedza svondo rapera achiti moto uyu wainge watanga zvakare.

“Nhasi (Chipiri chadarika) kwatsva dzimwe dzimba ina, dzose dzaparara. Asi vanababa havachada kuti murambe muchiuya kuzotora nhau kuno nekuti vari kuti hapana rubatsiro rwatiri kuwana kubva pakubuda kwenhau idzi,” anodaro.

VaTsanangurai Matope pavakaridzirwa nhare neKwayedza, vanotsinhira kuti moto uyu wakatanga zvakare ukapisa dzimba ina dzaiva dzapfirirwa patsva.

“Hatichaziva zvekuita nemoto uyu, wakadzoka ukapisa dzimba dzose. Tashaya anotibatsira,” vanodaro. Imwe nyanzvi yezvechivanhu, Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba, vanoti dambudziko remoto rakatarisana nemhuri iyi rinozivikanwa nekunzi tsandukwa iyo inove mishonga inosanduka kuita moto, mhuka kana zvimwe zvinhu

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *