Motokari 30 dzatsva nemoto

Solomon Bhumu

MOTO  unotyisa  wakapararira  paBrooms Garage kuRiverside kwaMutare, ukaparadza  motokari dzinosvika makumi matatu, imwe neimwe inokosha zviuru nezviuru zvemadhora nemusi weChipiri svondo rino.

Garaji iri, iro rinogadzirwa motokari dzemhando yeMercedes-Benz, rakaputirwa nemarimi emoto uyo unonzi wakatanga apo vashandi vekanzuru yeguta reMutare vaipisa marara.

Muridzi wegaraji iri, VaAnesu Akim, avo vaiderera vachitaridza kuremerwa zvakanyanya,  vakasara vasina remuromo mushure mekurasikirwa kukuru uku.

VaAkim havana kana kukwanisa kuwana mashoko ekutaura panguva iyi nekuda kwekurasikirwa uku izvo zvairatidza kuti vakange vagurwa kunorira.

Izvi zvakaita kuti vatori venhau vabve panzvimbo iyi vasiri kuziva kuti motokari idzi dzaive nemitero yeinishuwarenzi (comprehensive insurance) here uye kuti dzaikosha mari dzese.

Mumwe wevashandi vepagaraji iri, VaNomore Simango, vanoti vakaedza nepavanogona napo kudzima moto uyu asi wakazovakurira.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Assistant  Inspector  Wiseman Chinyoka, vanoti  ongororo yenyaya iyi iri kuenderera mberi.

“Nyaya yekutsva kwemotokari nemoto yakaitika zvedi uye  ongororo yekuona kuti chii chaizvo chakaitika iri kuitwa.  Tinoyambirawo veruzhinji kuti vasavese moto kana vasingazokwanisa kuudzima kuitira kudzivirira kurasikirwa kwevanhu nemidziyo nenzira dzakadai,” vanodaro.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *