Mr Mat, Simbi vonomirira nyika kuIstanbul

Abel Ndooka

SHASHA dzewrestling — Jonathan “Mr Mat” Muvingi naSeabel Simbi — vachanomirira nyika kumutambo weWorld Senior Kurash Wrestling Championship, uyo uchaitirwa kuIstanbul, kuTurkey, muna Mbudzi.

Mr Mat naSimbi vachabudirira kuenda kumutambo uyu zvichitevera kuhwinha kwavakaita kumutambo weAfrican Kurash Wrestling Championship, uyo wakaitirwa kuSouth Africa nguva pfupi yadarika.

Kumutambo uyu, kwaive nezvikwata zvenyika dzinoti South Africa, Cameroon, Democratic Republic of Congo (DRC), Congo Brazzaville, Eswatini, Mauritius, Mozambique, Zimbabwe, Namibia neEgypt.

Mr Mat vakahwinha menduru yegoridhe mumutambo wesenior men’s championship, ndokuzohwinha yebhuronzi muopen men’s category.

Kuchiti Simbi akahwinha menduru yegoridhe mumutambo wesenior women’s under 63kg.

Tawananyasha Taruvinga, anove wechidiki, akahwinhawo menduru yebhuronzi mucadet nejunior divisions.

Vachitaura pamhemberero dzekuhwinha kwavakaita, Mr Mat vanoti mutambo wewrestling uri kukura munyika.

“Zvinofadza kuhwinha kwatakaita kuSouth Africa uye tinovimbisa kuti patiri kuenda kuTurkey tinoda chaizvo kunosimudza mureza wenyika nekuhwinha kumutambo uyu.

“Gadziriro dzedu dzekuenda kumutambo uyu dzichanyatsotanga muna Gumiguru, apo tichapinda mukembi muHarare.

“Tiri kudana masangano akasiyana-siyana nevakotsveri kuti huyai mushande nesu. Tine zvakawanda zvatiri kuda mugadziriro dzedu dzekuenda kumutambo uyu, saka tiri kuchema kuti tibatsireiwo nezvakatsaukana-tsaukana, tigobudirira kuenda kuTurkey takasununguka.

“Tikanohwinha, nyika yose inenge yahwinha,” vanodaro Mr Mat.

Zvakadaro, chamangwiza weZimbabwe National Boxing and Wrestling Control Board (ZNBWCB) — Priscila Kadungure — anoti vatambi ava vakadadisa kuSouth Africa, izvo zvaunza mufaro mukuru munyika.

“Tiri kutambira magamba emunyika yedu, shasha dzewrestling, Jonathan ‘Mr Mat’ Muvingi, Seabel Simbi naTawananyasha Taruvinga. Kuhwinha kwavakaita kuSouth Africa kumutambo weAfrican Kurash Wrestling Championship hakuna kungounza mufaro kwavari chete asi kunyika yose.

“Izvi zvinorakidza kuti mutambo wewrestling urimo munyika uye tiri kubika shasha.

“Naizvozvo, tinoda kuzivisa kuti tiri kushanda kuti gore rinotevera mutambo weAfrican Kurash Wrestling Championship ugoitirwa muno, izvo zvinorakidza kuti takazvipira mukusimudzira mutambo uyu,” anodaro                                                   Kadungure.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×