Mubhokisi rine chitunha makabuda bumha renyuchi

Kingstone Mapupu

MHURI inobva mumusha waSabhuku Chipunze kudunhu raMambo Mutoko, kuMashonaland East yakadzvamuka ichitiza panhamo yehama yavo panguva yekuonekana nemutumbi wemurume akanga afa achirumwa nenyuchi apo mubhokisi raiva nechitunha makabuda bumha renyuchi ndokutanga kudzingirira vanhu.

Nhamo iyi yaiva yaJacob Mapata (55) uyo anonzi akarumwa nenyuchi kuMarondera uko kwaaishanda pamba pemumwe munhu aigara kunyika yeUnited Kingdom.

Mushakabvu uyu anonzi akabva pamba paaishandira ndokuenda kune imwe nzvimbo yemabhizimisi kuMarondera uko akanorumwa nenyuchi ndokufa.

Mwana wemukoma wemufi, Crescencia Mapata (36), anotsinhira nyaya inoshamisa iyi achiti vakazongoziviswa kuti baba vavo vainge vafa nekuda kwekurumwa nenyuchi.

“Baba vaishanda kuMarondera vachichengeta musha wemumwe munhu anogara kuUK uko vakaenda mugore ra2005. Vaigara ikoko nemwana wavo mukomana anoita Grade 6. Vanonzi musi wavakasangana nenjodzi iyi, vakaenda kuchitoro kunotenga zvinhu zvakasiyana apo vakazotanga kurumwa nenyuchi pamwe chete nevamwewo vanhu,” anodaro Crescencia.

Murume uyu anonzi akarumwa nenyuchi nemusi wa21 Chikumi gore rino apo akanga asiya mwanakomana wake kumba kunyangwe zvichinzi aive achemera kuenda naye.

Crescencia anoti vamwe vanhu vanonzi vakatiza nyuchi idzi asi ndokuramba dzichiruma baba vavo kwenguva inoita awa kusvikira vakatakurwa kuendwa navo kuchipatara cheMarondera.

“Zvinonzi vakamomoterwa nenyuchi dzichivaruma kunyangwe kuine vamwe vanhu vaimwaya mishonga inouraya nyuchi dzichiramba kufa. Baba vanonzi vakazotakurwa kuendwa navo kuchipatara cheMarondera uko vakanoshaikira. Isu takazobva kumusha tikaenda kuMarondera uko mutumbi wakazotakurwa kuendeswa kumusha,” anodaro Crescencia.

Anoti mutumbi uyu wakatakurwa ukaiswa mubhokisi pasina nyuchi.

Rachel Mapata (30), anove mwana wemukoma wemushakabvu zvekare, anoti vakanosvika nemutumbi kumusha uko vakarara vachichema vachimirira kuzouviga rechimangwana racho.

“Rechimangwana racho, bhokisi rakavhurwa tava kuda kuonekana nemufi apo mubhokisi umu makabuda nyuchi dzakawanda dzakatanga kudzingirira vanhu.  Vakuru vaivapo vakabva vakurumidza kutaurira vanhu kuti vavhare bhokisi iri vaende kunoviga mutumbi uyu wakadaro pasina kuonekana nemushakabvu,”  anodaro Rachel.

Anoti mutumbi wababamudiki vake wakazovigwa zvakanaka nyuchi idzi pasisina.  Asi, rechimangwana racho nyuchi idzi dzakazouya ndokumhara mumiti yepamnusha pemuchakabvu nepavatete vavo.

“Nyuchi idzi dzakaenda pamusha pakakurira babamudiki dzikanoungana. Izvozvi dziriko. Vanhu tava kutotiza pamusha, misha miviri yakaungana nyuchi hatizive kuti ndidzo nyuchi dzakaruma babamudiki kuMarondera here dzakatevera kwaMutoko kana kuti dzimwewo,” anodaro Rachel uyo anogara kuDzivaresekwa Extension, muHarare.

Anoti havazive kuti nyaya iyi iri kumbofamba sei nekudaro vari kufamba semhuri kuti vabatsirwe pachivanhu.

“Vanamukoma nanatete nedzimwe hama vari kubva kumusha kwaMutoko kuti tizobatsirwa kuHarare pachivanhu. Kumwe kwatakafamba takanzi inyuchi dzevaroyi, hatizive kwazvakabva nekuti babamudiki Jacob Mapata vakanga vasina mudzimai sezvo vakarambana nemadzimai maviri,” anodaro Rachel.

Anoti babamudiki vavo vaiitawo basa rekuvaka dzimba uyewo ndivo vaiva vakabata mhuri yose yekwaMapata pakubatsira vamwe.

“Hatina chatiinacho kuti tibatsirwe, vanhu vose vari kutifonera vanoda miripo yakakura, pane vamwe vanoti vanoda mombe mbiri uye vamwewo vachitaura zvakasiyana. Tinodawo kubvisirwa nyuchi idzi pamusha nekuti tibatsirwe kuziva chaizvo zvakaitika kuna baba vedu,” anodaro Rachel.

Zvakadai, godobori — Sekuru Kanengo kana kuti VaJimson Nyasala — vemuHarare vanoti mhuri yekwaMapata inofanirwa kutsvaga rubatsiro nguva ichiripo nekuti panogona kunge paine zvinhu zvihombe zvakavanzika izvo zvinovashayisa rugare mune ramangwana.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×