Muchaneta aneteswa nemukadzi

ZVINOTAURWA kuti mamwe mazita ane zvaanoreva chinoita kunge chokwadi kumurume wekuChitungwiza anonzi Muchaneta uyo anoti zvedi, aneteswa nemudzimai wake.
Murume uyu ari kunyunyuta nekatsika kemukadzi wake uyo waanoti “ari kundisungira play achiti nditange ndapedza kubvisa pfuma yeroora kuvabereki vake”.

Muchaneta Simbi (39), uyo anogara panhamba 4519 kuManyame Park, anoti mudzimai wake, Dudzai Muropa (32), akangotanga kutsika madziro nguva yadarika achimuti anofanira kutanga apedzisa roora, zvisinei nekuti vava nemakore anodarika 15 vachigara vose uye vane vana vatatu.

Simbi anoti mukadzi wake akambotiza pamba akazonzwa nerunyerekupe rwekuti ainge achigara kuHopley nechikomba chinopinda imwe chechi sezvo iye ari mupostori weNguo Tsvuku.

Achirondedzera pfumvu yake, Simbi anoti panguva iyi mukadzi wake ainyepa kuti ari kumba kwemunin’ina wake, Terrymore Muropa.

“Handichavimba naye sezvo akangondisiya achienda kwemunin’ina wake kuHopley uye zvinonzi akaonekwa aine foni inoenda paWhatsApp ini yandisingazive. Saka pakadaro handirambire munhu, pane zvaaitoita,” akadaro Simbi.
“Ari kundiomesera achiti ndinofanira kutanga ndapedza kubvisa pfuma yeroora.”

Anoti ari pakati pekutsvaga mari yekuti aendese imwe pfuma yeroora kuvabereki vemukadzi wake.
Simbi anoti zvakare vakatosvika pakutama pamwe pamba pavaigara mushure mekunge mukadzi wake akange ave kunyara kuramba achigarapo nekuda kwefungidziro yaiitwa nevemunharaunda yekuti anoita gumbo-mumba gumbo-panze.

Asi Muropa akaramba mashoko aSimbi ekuti ari kumuomesera uye kuti ane nharembozha inoenda paWhatsApp iyo isingazivikanwe nemurume wake achiti anongova makuhwa. Akatizve mashoko ekuti ane chikomba manyepo makuru.

“Zvekuti ndine boyfriend ndezvekunyepa, vanhu vanondivenga chete sezvo pamba pataigara ndizvo zvakaita kuti ndizopabva. Handina foni inoenda paWhatsApp ini,” akadaro Muropa.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×