‘Kutombundirana zvenyu!’

Nyore Madzianike
MUTYAIRI wekambani yeParrogate Zimbabwe Limited akamiswa mudare akatarisana nemhosva yekurova mukadzi wake pamwe nekumumwaya “mvura yemuteuro” achimupomera kudanana nemurume wechichena, uye kuisa mufananidzo wavo vakambundirana paWhatsApp yake.

Munyaradzi Mataruse (31), uyo anogara panhamba 3684 Muvanga Road, kuRuwa, akadira mukadzi wake, Tarisai Vambe (24), mvura yaaiti ndeye muteuro wekudzinga mweya yetsvina inonzi yakagara pamukadzi wake panguva yaaimurova.

Mataruse akaudza mutongi Arnold Maburo, wedare reHarare Magistrates’ Courts, kuti akabatwa neshungu dzakanyanya apo akaona mufananidzo wemukadzi wake akambundirana nemurume wechichena paWhatsApp yenhare yake izvo zvakazopa kuti amuzvambaradze zvakasimba.

Vambe anoita basa rekugadzira misoro paGinger Hair Saloon, paSam Levy Village, muHarare.

“Ndinobvuma kuti ndakarova mukadzi wangu asi nyaya chaiyo handiyo iri kutaurwa muno mudare. Ndakamurova mushure mekunge ndaona mufananidzo wake akambundirana nemurume wechichena paWhatsApp yake.

“Ndakamubvunza pamusoro pemufananidzo uyu asi haana kuda kutaura chokwadi. Mhinduro yake ndiyo yakandigumbura zvakazoita kuti ndimurove,” akadaro Mataruse.

Vambe akaramba kuti ane chikomba chemurume wechichena. Akaudza dare kuti murume wake akamurova achiti aida kuunza mumwe mukadzi uye haana ruzivo nezvemifananidzo yaitaurwa iyi.

“Handina chikomba ini uye handizivi nezvemifananidzo iri kutaurwa iyi. Akandirova achiti aida kuti ndidzokere kumba kwedu aunze mumwe mukadzi,” akadaro.

Mutongi Maburo akati Mataruse abhadhare US$100 kana kugara mujeri kwemwedzi ndokunge akundikana kubhadhara mari iyi.

Pamusoro pechirango ichi, Mataruse akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitatu asi yose ndokusendekekwa padivi paine chitsidzo chekuti haachazobatwazve nemhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Muchuchusi wedare iri, Oscar Madhume, anoti nemusi wa19 Nyamavhuvhu mangwanani, Mataruse akamuka ndokutanga kupopotera mudzimai wake achimuti adzokere kumusha kwake nokuti aironga kuunza mumwe mukadzi.

Mataruse akatora mvura yaaiti ndeye munamato akatanga kumwaya mudzimai wake muviri wese achiti aidzinga mweya wetsvina wakanga wagara paari.

Akazotora tambo yemagetsi iyo yakazoshandisa kumurova pamwe nezvibhakera.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×