Mudzidzisi raira

Mazwi akafanana asi achireva zvakasiyana
CHINO chidzidzo chinobva mukukoka kwatinoita varairidzi kuti vadzidzise vana chiShona chamandorokwati chinonzi “MUDZIDZISI RAIRA”. Chidzidzo chino chinobva kumumwe murairidzi wepaKatsande Primary School iri kuMudzi, kuMashonaland East Province.

1. Badza:– uyu mudziyo unoshandiswa pakusakura.

– Zvinorevawo muripo unobviswa nemunhu amhangara padare kuti mhosva yake itongwe.

2. Kubereka:– Uku kutakura mwana kumusana,

– Kubereka zvinorave zvakare kuzvara mwana.

3. Kubira:– Uku kuyambuka rwizi.

– Kubira zvinoreva zvekare kuti kutorera munhu chinhu chake asingazivi uye pasina mvumo.

4. Kubopa:– Kumisa chinhu chine mavhiri change chichifamba.

– Kubopa zvinoreva zvekare kusunga mombe mbiri pajoki.

5. Kuchaira:– Kufambisa chinhu chakaita semotokari kana ndege.

– Kuchaira zvekare kukuza mombe dzakasungwa pajoki kuti dzifambe.

6. Chakata:– Uku kuwanda kwemichero pose-pose.

– Chakata muchero unodyiwa.

7. Kuchemerera:– Uku kuhukura kunoita imbwa kana ichimhanyisa mhuka setsuro.

– Kuchemerera zvinorevazve karuzha kanoburitswa nemunhu kekunakidzwa nezvinenge zvichiitika paari.

8. Chigaro:– Uyu mudziyo une makumbo unogarirwa.

– Chigaro zvinoreva zvekare kuti chinzvimbo chinopiwa munhu kuti atungamirire boka, vashandi kana chikwati.

9. Gomarara:– Ichi chirwere chakaipisisa chinobata vanhu.

– Gomarara zvinoreva zvekare muti unomera pane mumwe muti.

10. Kuguka:– Uku kubva kunoita mazino.

– Kuguka zvinoreva kubva kunoita demo pamupini.

11. Kufudza:– Uku kuchengetedza zvipfuyo semombe apo dzinenge dzichidya chikafu.

– Kufudza zvinoreva zvekare kupa munhu nguva yekuita zvakaipa kwave kuzomubata.

12. Makwati:– Makanda anowanikwa pamuti.

– Makwati imwe yemari inobviswa panoroorwa munhu.

– Makwati chidende chakanamirira pamusana pekamba.

13. Guru:– Uku kuroorwa kwevakadzi vazhinji nemurume mumwe chete.

– Guru zvinorevazve mwena mukuru.

14. Mukonde:– Iri isadza guru rapakurwa mundiro.

– Mukonde muti une hunde huru usina mashizha uine twuminzwa twudiki wekuti ukatemwa unobuda mvura chena inenge mukaka.

15. Nzveve:– Urwu rudzi rwehowa.

– Nzeve inhengo yemunhu kana mhuka inonzwa.

Varairidzi makasununguka kutumira zvamunoda kuti vana vadzidze ku: Kwayedza, Box 396 Harare kana paEmail inoti [email protected]. Munogona kusiya chero kumahofisi eZimpapers kuManica Post, kwaMutare, kuChronicle Building, kuBulawayo, paHehald House muHarare, kuMasvingo, Beitbridge, Gweru kana kuChinhoyi. – MUPEPETI.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×