Rudo anoshamiswa neinonzi imba yaJoe

CHITSAUKO 16 (Nyaya yacho: Enderero mberi)

Joe anokanuka apo anonzwa kuti “mubako” kwava kutoseka zvake achiti akamboona bako rine gonhi here. Ko mubhedha nezvokubikira ainge asingazvioni here? Rudo anoti ngavachiendaka kumba kwake kusati kwava kunaya. Ndipo paanoudzwa kuti iyi ndiyo imba yake!

Rudo anorohwa nehana ndokubva afunga kuti dai adzokerwa naye kwaabva kana kuenda kwaSarah, Joe ndokuti kana achida kuenda zvake ngaaende asi ngaazive kuti mudhorobha mune mabhinya. Rudo anotanga kuchema ndokumubvunza kuti akadini kumuudza kare kuti ndizvo zvainge zvakaita chimba chake.

Joe anomushoropodza achiti ainge asingazivi here kuti dai ndakaziva haitungamire. Rudo anomuti Joe ainge asingazivi here kuti Rudo mwana mudiki nguva yaakamupfimba. Joe anomupindura nesekerambabvu (sarcastically) achiti Rudo aive mwana mudiki hakezve zvechikuru. Zvino Rudo ava kuda kumurambira kuipa kwemba yake nekukura kwaaita.

Izvi zvinokatyamadza Rudo zvekuti anomuti munhu waMwari angataura zvakadaro, apindwa naSatani here. Joe anotoseka achiti iye ndiye Satani wacho. Rudo anoti ko, zvaaiti ndiye mutungamiri weHwisiri wani iye ndokuti ngaatevere maHwisiri ainge achiimba ayo aitungamira. Rudo ndokunzwa sokunge kwaiimbwa “Baba Ndiri Mwana Wako” rwokuHwisiri.

Rudo anoti Joe ngaaende anomusiya kwaSarah, iye agoenda hake kumunamato, ozouya achimutora ramangwana racho asati aenda kumusha. Joe anoramba, Rudo kwava kumuti ngaachimurega aende zvake kune vamwe vake vechikoro. Joe anomuti ambouya achipenga here.

Rudo anodetemba nerudo rwake kunaJoe kwava kutangisa kuchema. Panorira bhanan’ana remheni rinotyisa ndokubva kwatanga kunaya dzvotsvotsvo remvura rainge richisanganisa mheni, mhepo, nemabhanan’ana dakara kuedze. Mangwana acho kunoonekwa miti mishanu yakarigwa pasi, yangobatira muvhu nedivi rimwe chete, dzimba dzakapera kutsva nemitumbi yevanhu yainge yakangoti taka taka namarukisheni.

ONGORORO:

Muchitsauko ichi tinotanga kuona mavara echokwadi aJoe. Rudo anotanga kuzvionawo ndokutanga kuchema-chema kuti dai ndakaziva zvino Joe anobva amutaurira pachena kuti dai ndakaziva haitungamiri (75).

Kufamba kwaiita Rudo naJoe kwainge kusinganakidzi nepadiki tichaona kuti izvi zvinove nemusiyano (contrast) mukuru. Rudo ari murudo ari kutarisira kuwana rudo asi maitikiro ezvinhu anoratidza kuti hakuna zvakadai.

Nyaudzosingwi dzinotiratidza tarisiro iyi. Zvinonzi iro rima rachiti kwazvo kwindi zvokuti mwanasikana akafunga kuti airinzwa kurema pamusoro nomumwoyo make . . . Pasi apa vaingoti mumadhaka kobvo kobvo kunge vaya vari kukanya” zvidhina” (74).

Tinoona enzaniso ichiwedzerawo musiyano, “kunge vaya vari kukanya zvidhina” (74). Dzimwe enzaniso tinosanganawo nadzo dzichiita basa radzo rekurunga mutauro.

Enderero mberi svondo rinotevera.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×