Mudzimai (21) afa nemushonga wekukudza sikarudzi

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 21 okuberekwa aigara kuOverspill kuEpworth uye kumusha achibva kwaNyagwiti kwaSabhuku Chawawa kwaMambo Makuni kuRushinga, kuMt Darwin anonzi akafa mushure mekushandisa mushonga wechivanhu wekuvandudza sikarudzi.

Jacqueline Gatsi Terepi, uyo airoja kudzimba dzekumaD kuAuction kuOverspill, anonzi akafa mushure mekushandisa mushonga wechivanhu uyu.

Inspector Luckmore Chakanza vanova mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare vanotsinhira nyaya iyi vachiti ichiri kufeewa.

Mai Progress Sambare (26), muridzi wepamba pairoja Jacqueline, vanoti nyaya iyi yakatanga apo mamwe madzimai maviri anogara pamba pavo vakatengeserwa mushonga wekukudza sikarudzi nevamwe varume vanofamba munzvimbo iyi.

“Vatenga mushonga uyu, vamwe vakatanga kuushandisa vachiisa vachibva vabudirira kuvandudza ‘zvidhori’ zvavo zvaita zvavaida. Mudzimai uyu, uyo akanga akarambana nemurume aine mwana wake wemakore maviri okuberekwa, akazotorawo mushonga uyu kune vamwe ava ndokunozvivharira mumba make ndokutanga kuzvizora mushonga uyu kunhengo dzake dzakavandika. Arimo mumba, akazotanga kushevedzera vamwe vake achiti akanga ava kupiswa muviri wese,” vanodaro Mai Sambare.

Vanoti panguva ingaite maminetsi gumi, Jacqueline akatanga kurutsa nekubuda mapundu muviri wake wese achiti aipiswa.

“Mudzimai uyu akakurura mbatya dzose, kusanganisira chipfeko chemukati, ndokubuda panze achidikitira tikatozomubata kuti asamhanye panze asina kupfeka. Panguva iyi, takamudzosera mumba ndokumurarisa pamubhedha achiratidza kupera simba. Takazomutakura mubhara kumuendesa kune vamwe madzimai vanobatsira uko vakanoita zvavakaita tikadzoka naye akafira pano pamba mushure menguva diki-diki,” vanodaro Mai Sambare.

Vanoti vakazoshevedza varume vakanga vatengesera madzimai aya mushonga wekuvandudza sikarudzi avo vakazotorwa nemapurisa nekuda kwenyaya iyi.

“Mutumbi uyu wakazotorwa nemapurisa kubva mumba make maakafira ukanzi wakanga wava kunoongororwa nemachiremba. Wakazotakurwa kuendeswa kumusha kwemufi kuRushinga uko wakanovigwa nemusi weMugovera wakadarika (12 Chikunguru)” vanodaro Mai Sambare.

Vanoti havazive kuti mumwe wavo akashandisa mushonga uyu sei sezvo aiva akazvivharira mumba make.

“Hatizive kuti mushonga wekudhonza ‘zvidhori’ uyu ndiwo wakamuuraya here kana kuti aiva nechimwe chirwere. Munyaya iyi, takadzidza kuti kutenga mishonga yemumigwagwa inotiparira, honai mumwe wedu akatisiya,” vanodaro Mai Sambare.

VaNgoni Terepi (42), baba vaJacqueline, vanoti vakaziviswa kuti mwana wavo afa vasina kumbonzwa zvehurwere hwake.

“Takangotaurirwawo kuti mwana nevamwe vake vaiva vachishandisa mishonga yekukudza ‘zvidhori’ zvavo pakaitika tsaona iyi. Kuti ndizive kuti ndizvo kana kuti pane zvimwe, hamheno. Ndakamirira kunzwa zvakabuda pakaongororwa mutumbi wemwana wangu nekuti handina kuzviwana. Takamuviga  kumusha kwaMambo Makuni kuRushinga,” vanodaro VaTerepi.

Mai Everjoy Mudzaki (29) vairoja pamba pamwe chete nemushakabvu vanoti vakaswera zvakanaka zvikuru naJacqueline pasina dambudziko musi uyu.

“Takaswera zvakanaka nemumwe wedu kusvika kuma2 masikati apo mamwe madzimai maviri anogara pano vakatenga mushonga wekurebesa ‘zvidhori’ uyu. Iye akazopihwawo akazvizora akazvivharira mumba make paakazotanga kushevedzera achiti ava kupiswa ndokutanga kurutsa nekubuda furo achipera simba. Takazoenda naye kunobatsirwa kumadzimai tikadzoka naye achibva afa achizviitira tsvina. Hatizive kuti mushonga wekukudza ‘zvidhori’ here wakamuuraya kana kuti zvimwewo,” vanodaro Mai Mudzaki.

Mai Annah Muzimbi (47), avo vanonyanya kuzivikanwa nekunzi Gogo Madhuve kana kuti Madzimai Merekina, vechechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe yeNguwo Tsvuku vakabatsira Jacqueline, vanoti akaunzwa kwavari atopera simba.

“Mudzimai uyu akaunzwa kudare kwangu ari mubhara atopera simba kare. Ndakamuona kusikarudzi kwake kwakazvimba zvakadarikidza achibuda furo mukanwa kureva kuti mweya wakanga wava kutobuda. Mushonga wavakatengeserwa wekudhonza ‘zvidhori, unokuvadza, kune mishonga yakadaro inokuvadza wakaita semupfanawembudzi. Vanhu ngavasatenga mishonga kune vanhu vanofamba mumigwagwa,” vanodaro Madzimai Merekina.

Gogo Shiella Mugwagwa (60), avo vanozivikanwa nekunzi Gogo Mheta, vanoti vakaenda kumba kwaigara Jacqueline vakawana ava kutopera simba.

VaMorgan Chakandinakira (55), murume waMadzimai Merekina, vanoyambirawo vanhurume nemadzimai kuti vasiyane netsika yekuda kuwedzera masikirwo avakaitwa naMwari.

“Mishonga yekuwedzera ‘zvidhori’ zvemadzimai kana varume inokuvadza vanhu vachitofa sezvakaitika izvi. Ngatigarei nemararamiro edu semasikirwo atakaitwa,” vanodaro VaChakandinakira.

VaGeorge Kandiero mukuru wesangano reZinatha vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane nenyaya yekutenga mishonga mumigwagwa kuvanhu vanozvifambira vasina magwaro ekuita basa iri.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×