Mudzimai (42) otongerwa kutengesa mutoriro

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI ane makore 42 okuberekwa wekuChitungwiza akamiswa mudare nemhosva yekuwanikwa achitengesa zvinodhaka izvo zvinosanganisira mutoriro mumba make.

Winnet Nemhara wepanhamba 9974 Kubatana Street kuUnit H ari kutongwa pasi pemutemo wePossession of Dangerous Drugs as Defined in Section 157(1)(a) of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 09:23 ARW,  Section (2) Statutory Instrument 167 of 2024 of the Dangerous Drugs Amendment) Regulation 2024 No// 11 Posession of Methylenedioxymethamhetamine.

Paakabvunzwa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts maringe nenyaya iyi, Nemhara akati haasi kuziva kuti akasungirwei.

“Mhosva yandakasungirwa handiizive asi zvisinei ndinoiramba,” anodaro.

Mutongi Dennis Mangosi vakati Nemhara adzoke kudare munguva pfupi iri kutevera apo nyaya iyi iri kuenderera mberi.

Muchuchisi Sharon Mwapangira vakaudza dare kuti nomusi wa18 Kukadzi gore rino munguva dzemanheru, matikitiva ekuchikamu cheCriminal Investigations Department (CID) Drugs and Narcotics akanyeverwa kuti Nemhara aitengesa mutoriro mumba make.

Vakabva vaenda kunoita ongororo vakamuwana akagara muimba yekutandarira.

Vakazvizivisa kwaari kuti vaive matikitiva uye vaida kumusecha saka vakatanga nekusecha muviri wake vachibva vawana kapaketi kanoiswa mapiritsi kaine mutoriro mukati kari pachidya pake zvakaita kuti vamusunge.

Mutoriro uyu wakanovhenekwa zvekare ukaonekwa uri mumupanda wezvinodhaka zvisingabvumirwe munyika.

Wairema 11,4922g uye uchikosha ZiG 2 356.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *