Mwanakomana opomerwa kuponda amai

Tendai Gukutikwa

MUDZIMAI ane makore 61 okuberekwa wemumusha weRegayivadero kwaTanda kuMayo kwaMambo Makoni, kudunhu reManicaland akapondwa munyaya inofungidzirwa kuti ine chekuita nekunetsana mumhuri apo mumwe wevanakomana vake anonzi ndiye akapara mhosva iyi.

Zvakamutsa gakava rakazourayisa Mai Rosemary Mapasvikwa hazvisati zvazivikanwa.

Tafirenyika Musuwa (31) ndiye  ari kunzi akapara mhosva iyi achibva atiza nokudaro mapurisa ari mushishi kumutsvaka.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti mutumbi wemudzimai uyu wakawanikwa uri mudivi reropa uye uine ronda rakadzika kugotsi.

“Nyaya iyi yakaitika nomusi wa23 Kubvumbi apo mumwe mwanakomana wemushakabvu, Simon Musuwa (29), uyo anogara pamusha mumwechete uyu anoti akafumoenda kunorima mumunda wemhuri iyi. Panguva iyi, amai vake vainge vakarara muimba yavo yekurara, Tafirenyika akamira pachivanze.

“Simon paakadzoka kumba nenguva dza9 mangwanani kuti anosunungura mombe dzake, akasangana nechiitiko chinotyisa apo amai vake vakanga vakarara paruware rwaiva mamita mashoma kubva pamba apa, Tafirenyika akagara pedyo.

“Paakangorora amai vake, Simon akaona kuti vaive neronda guru kugotsi uye vakarara vakatarisa pasi mudivi reropa,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Mapurisa eZRP Mayo neCID Rusape vakabva vamhanyira panzvimbo iyi.

Mutumbi uyu wakaendeswa kumochari yeRusape General Hospital kunoongororwa nanachiremba.

Asst Insp Chinyoka vanoti demo raiva neropa rinofungidzirwa kuti ndiro rakashandiswa pakurwisa mudzimai uyu rakaonekwa mamita mashanu kubva paiva nemutumbi wake rakaiswa pamusoro pehuni.

Matikitivha akaona zvekare matsimba eshangu dzaTafirenyika panzvimbo iyi.

“Simon akabva azivisa muvakidzani wake uyo akamhan’ara kumapurisa asi Tafirenyika akanga atotiza kare,” vanodaro Ass Insp Chinyoka.

“Tiri kukumbira kuna ani zvake ane ruzivo rwunogona kuita kuti munhu ari kufungidzirwa kuti akapara mhosva iyi asungwe vamhan’are  kukamba yemapurisa iri pedyo navo. Veruzhinji vanoyambirwa kuti vasaende pedyo naye asi kuti vazivise mapurisa nekukasika sezvo ari munhu anotyisa zvikuru.”

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *