Mudzimai ane mwana kumusana adirwa peturu, ndokupiswa

Freedom Mupanedemo

MURUME ane vana vaviri wekuZvishavane kudunhu reMidlands akatongerwa kugara mujeri kwemakore mapfumbamwe nemhosva yekudira mudzimai wake peturu nekumupisa apo mwana wavo ane mwedzi 11 yekuzvarwa akanga akaberekwa kumusana.

Chiitiko ichi chakaitika zvichitevera kusawirirana kwemudzimai uyu nemurume wake mumba vachipomerana nyaya yekuita gumbo mumba gumbo panze.

Mudzimai uyu akatsva zvakanyanya.

Innocent Nyamandi (51) wemubhuku raMakwasha kuZvishavane,akabatwa nemhosva yekuda kuuraya munhu nemutongi wedunhu reZvishavane, VaTawenga Sangster.

Zvisinei, Nyamandi achagara mujeri kwemakore manomwe mushure mekunge makore maviri asendekwa parutivi nechitsidzo chekuti haafanire kupara mhosva yakadai mukati memakore mashanu.

Mumhan’ari munyaya iyi ndiSibongile Chikozho, mudzimai waNyamandi, uyo akabereka naye vana vaviri.

Muchuchisi Muzvare Melissa Muriva Makombe vakaudza dare kuti nomusi wa23 Mbudzi nenguva dza10pm, Nyamandi akafonera mudzimai wake achimuzivisa kuti aibva kuMberengwa uye aiuya kuzomuona nevana.

Chikozho akaudza murume wake kuti airara kumba kweshamwari yake. Mangwanani akatevera kuma8am, Nyamandi akaenda kuchitoro chemumhan’ari ndokunomubvunza kuti sei akanga asina kurara kumba.

“Akapomera mumhan’ari mhosva yekusavimbika zvakaita kuti pave nekusanzwisisana, nyakupomerwa mhosva akazodira mumhan’ari peturu ndokumutungidza nemwenje wekubatidzisa fodya achibva atiza panzvimbo iyi ndokumusiya abatira moto,” vanodaro Muzvare Makombe.

Dare rinoti Chikozho akatsva zvakaipisisa mumusoro, musana, chipfuva nemaoko ose ndokumhanyiswa kuchipatara uko akanorapwa.

Nyamandi akabva azosungwa.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

One thought on “Mudzimai ane mwana kumusana adirwa peturu, ndokupiswa

  1. Iyi imhosva inofanira kuti munhu apihwe mutongo wokugara mujeri kweupenyu hwake hwese. Asika tinoziva kuti munyika muno vamhan’ari ndivo vanotoshungurudzwa hematoma,kunyanya vakadzi nevana, vapari vemhosva vachindobatwa zvakanaka mumatiringo.

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×