Mudzimai arikita murume nekuda kweSMS yechikomba

Lovemore Kadzura

MUDZIMAI ane makore 26 okuberekwa wekwaMakoni, kudunhu reManicaland atongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu nemhosva yekurova murume wake mushure mekunge aona mashoko erudo munhare yake ayo aibva kune chikomba chake.

Musungwa — Nyarai Annah Madondo, wemumusha waMadondo kwaMambo Makoni, akamiswa pamberi pemutongi wedare reRusape Magistrates’ Court, VaTendai Mahwe, akatarisana nemhosva yekuita mhirizhonga pasi pemutemo weDomestic Violence Act (Chapter 5.16).

Nyarai akabvuma kuti akarova murume wake, Washington Madondo (32), anova baba vevana vake vana (4), mushure mekunge atora nharembozha yake, ndokuverenga meseji, ndokuzoramba kuidzorera.

VaMahwe vamukabvisira mwedzi mishanu pachirango ichi nechitsidzo chekuti haapare mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu.

Mumwe mwedzi waive wasara wakasendekwa parutivi nechitsidzo chekuti Nyarai anofanirwa kunofondoka pasina mubhadharo kwemaawa 140 paSt Killian’s High School.

Akanga asina gweta rinomumirira panguva yekutongwa kwenyaya iyi.

Muchuchisi, Mai Faith Mutukwa, vakaudza dare kuti Nyarai akarova murume wake nemupinyi webadza uye nezvibhakera kakawanda izvo zvakaita kuti atize pamba pavo.

Paakadzoka, akamurova nemugoti mumusoro kasingaperi izvo zvakazoita kuti amhan’are nyaya iyi kumapurisa.

“Musungwa mudzimai wemumhan’ari. Musi wa10 Kurume 2026 nenguva dza4 masikati, vaviri ava vainge vari kumba kwavo vachiona terevhizheni apo pakamuka kusanzwisisana mushure mekunge meseji yapinda kuWhatsApp yemusungwa apo mumhan’ari aishandisa nhare yacho.

Musungwa akabva ati ave kuda nharembozha yake asi mumhan’ari akairambira.

Mumhan’ari akabva aenda panze. Musungwa akamutevera ndokubva amurova kamwechete pabendekete nemupinyi webadza uye ndokumurova kakawanda nezvibhakera,” vanodaro Mai Mutukwa.

Washington akakuvara pahuma nepabendekete rekurudyi nekuda kwekurohwa uku uye akazobva pamba apa.

“Musi wa11 Kurume nenguva dza12 mangwanani, mumhan’ari akadzokera kumba, akagogodza, ndokuvhura gonhi ndokupinda mumba mavo. Musungwa akabva ati zvakare anoda nhare yake uye mumhan’ari paakarambira nayo, akabva atora mugoti ndokumurova nawo mumusoro kakawanda.

Mumhan’ari akazvimba pahuma uye haana kuenda kunorapwa,” vanodaro Mai Mutukwa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×