Nyore Madzianike
MURUME wemuHarare akapihwa chirango chekunofondoka kwemaawa 220 pasina mubhadharo nedare mushure mekubatwa nemhosva yekurova mudzimai wake achimupomera mhosva yekutarisa-tarisa vamwe varume panguva iyo vakanga vari kufamba vese.
Desmond Nyakakweto (35) anova mugari wekuMonovale akanga apihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 20 nemutongi wedare reHarare Magistrates Court, Sharon Rakafa, pamhosva yekushungurudza mudzimai wake nenzira yekumurova.
Zvisinei, vakazosendeka parutivi mwedzi mitanhatu pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.
Mwedzi gumi nemviri yainge yasara, yakasendekwa parutivi zvekare nechitsidzo chekuti Nyakakweto anofanira kunofondoka kwemaawa 220 ari paMilton Park Police Station.
Nyakakweto akabatwa nemhosva yekurova mudzimai wake, Getrude Mukumbi, anova anoshanda basa remumba munharaunda imwechete iyi.
Dare rakaziviswa kuti nomusi wa8 Kurume gore rino, Nyakamweto akange ari kufamba nemudzimai wake achienda pabasa pake apo akamuona ava kutarisa-tarisa kune vamwe varume vainge vari kupfuura havo nemugwagwa zvinova zvakamutsa gakava guru achibva atanga kumurova.
Ave kusvika pabasa pemudzimai wake, akamusimudza nechisimba ndokumukanda mudhireni zvakaita kuti aite chadzimira achibva azotakurwa kuenda kuchipatara kunova kwaakazomukira muzuva rakatevera.
Mune imwe nyaya, mutongi Rakafa vakapa Tarisai Lunga (33) chirango chekugara mujeri kwemwedzi minomwe pamhosva yekurova amai vake vanova vanorwara nepfungwa vanonzi Grace Pemba.
Akavarova nomusi wa6 Kubvumbi panguva iyo vainge vari pamba pavo kuKambuzuma mushure mekutadza kunzwisisana.
Iyi yaive mhosva yechipiri kuparwa naTarisai izvo zvakaita kuti dare rimupe mutongo wakakura.




