Pwere 3 dzaba mapatsi emotokari . . . engine block, sleeves, head

Muchaneta Chimuka

MUNYAYA inoita sebhaisikopo kana kuti firimu, pwere nhatu dzine makore okuberekwa anoti 10, 13 ne14 dzakamiswa mudare reChitungwiza Magistrates Court dzichipomerwa kuba mapatsi emotokari anokosha US$200 nenzira ine hungwaru sezvinoitwa nembavha yemakoko.

Mutongi wedare iri, Karen Jeffery, vakapereka vana ava mumaoko evabereki vavo apo vakamirira kutongwa.

Vana ava vari kutongwa nemhosva yekuba mapatsi emotokari pasi pechikamu chemutemo cheCriminal Law Codification and Reform Act Chapter 113 (Theft of  Car Parts).

Midziyo yavakaba inokosha US$200 uye hapana chakaburwa.

Muchichisi, Passmore Rulenso, vakaudza dare kuti nomusi wa22 Mbudzi 2024, vana ava vanonzi vakafurirana kuenda kunoba mapatsi emotokari panhamba 5 Gava Street, Zengeza 2 kuChitungwiza panova pamba pemumhan’ari, Adam Bhero (55).

Vanonzi vakaita izvi vachitungamirirwa neshamwari yavo ine makore 13 ekuberekwa inovawo iri munyaya iyi.

Vese vari kubvuma mhosva dzavo.

Nomusi wa22 Nyamavhuvhu 2024, vana ava vanonzi vakatora mukana wekudonha kwainge kwakaita fenzi yepamba apa vachibva vajambira mukati ndokupwanya mahwindo eToyota Land Cruiser vachibva vaba mapatsi eToyota Hiace,  water pump, bhatiri nesimbi dzakasakara (scrap metal).

Vanonzi vakabvisa mapatsi ehijini ese, mafuremu matatu ezvigaro zvemukombi nematengi maviri emafuta ezvifambiso vachibva vazviisa mungoro ndokuenda nazvo pasina akavaona.

Nomusi wa23 Nyamavhuvhu 2024, vana ava vanonzi vakadzoka zvekare kumba kwaBhero vakaba mapatsi emotokari aive mumotokari nesimbi dzakasakara.

Vanonzi vakazodzoka futi mumwedzi waGumiguru ndokuba mamwe mapatsi emotokari nenzira imwechete iyi.

Sekuti izvi zvainge zvisina kukwana, vana vanonzi vakadzoka zvekare nomusi wa28 Mbudzi gore rapera,  vakaba engine block, sleeves, cylinder, head nemimwe midziyo vakaisa mungoro asi havana kuzokwanisa kuenda nazvo sezvo vakazovhiringwa nevavakidzani vemumhan’ari izvo zvakaita kuti vasiye ngoro iya ndokuita chitsoka ndibereke kutiza.

Mushure memaminitsi makumi matatu, vana ava vanonzi vakazodzoka vaine mumwe murume anongozivikanwa nezita rekuti Jala, uyo asati abatwa, vachida kutora ngoro yavo asi vakabva vaudzwa nemumwe muvakidzani wemumhan’ari, Mercy Muzolandi, kuti vatange vaenda kumapurisa kuti vazowaniswa ngoro iyi.

Vavakidzani ava vanonzi vakabva vasunda ngoro yaiva nezvinhu zvainge zvabiwa ndokuenda nevana ava kumapurisa zvakaita kuti vasungwe.

Muongororo yakaitwa nemapurisa anoona nezvevana (probation officers), zvakabuda pachena kuti vana ava vane nhoroondo isina kumira zvakanaka kubva kumhuri dzavo.

Zvakaonekwa zvekare kuti vabereki vevana ava vakaparadzana kwemakore mazhinji vachisara vachichengetwa naambuya uyewo pasina rutsigiro rwakanyanya munyaya dzedzidzo sezvo vasina kuwaniswa magwaro avo ebvunzo dzekupera kwetemu nekuda kwezvikwereti zvemari yechikoro.

Zvisinei, zvakaonekwawo kuti kana vana ava vakawaniswa mumwe mukana, vanokwanisa kupinduka sezvo mimwe misikanzwa iri kuitwa nevamwe vavo ichiratidza kuti yaive yekufurirwa nekuda mari nekuti vakanga vari kupihwa US$7 nemunhu wavanoti ndiye aitenga simbi dzakasakara idzo vaiba.

Mumwe wevana ava akaonekwa kuti zvemisikanzwa zvitori maari nekudaro anoda rubatsiro rwakasimba rwekupangwa mazano uye rutsigiro rwevabereki, kumba nekuchikoro.

Mupurisa anoona nezvevana uyu akachema-chema nedare kuti vapihwe mutongo unosendekwa parutivi kwemakore mashanu anotevera, achiti kana vakapinzwa mujeri vanogona kuzova nhinhi.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *