Mutyairi wekombi mudare arova mutikitivha

Muchaneta Chimuka

MUTYAIRI wekombi anogara mubhuku rekwaChitsvatsva, kwaSeke wekupinda nemwenje mudziva apo anonzi akarikita mupurisa nezvibhakera mushure mekutsiurwa kuti abude mumugwagwa umo ainge akapaka kombi yake nenzira isina kunaka, akazvuzvurudzirwa kudare redzimhosva.

Walter Mucharega (28) akamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Court, VaDennis Mangosi, nemhosva yekurova munhu.

Ari kutongwa pasi pechikamu chemutemo weSection 89 of the Code (Assault).

Mucharega ari kutarisirwa kudzoka kudare munguva pfupi iri kutevera apo pari kuda kuonekwa kuti angawaniswa bhero here kana kuti kwete.

Muchuchisi Shamiso Mwapangira vakaudza dare kuti nomusi wa2 Chivabvu gore rino, mumhan’ari Aaron Muyedzanga (45) wepanhamba 21211 Unit J kuChitungwiza, uyo anoshanda saPolice Detective kuCID Chitungwiza, akange achityaira motokari yemapurisa yemhando yeProbox ine nhamba dzinoti ZRP444T mumugwagwa Seke akananga kwaZiko.

Detective Muyedzanga vaive nemamwe mapurisa  anoti Detective Sergeant Manyandure, Mutasa naDetective Constable Chaka uye vasungwa vaviri vanoti Persistance Mago naHazvinei Mapfika panguva iyo Mucharega akatanga kuvavharira mugwagwa.

Izvi zvakaitika vari padyo negedhi repadzimba dzinogara mapurisa paZRP New Camp kuChitungwiza kwekare.

Mucharega akatsiurwa nezvehunhu hwake hwakashata mumugwagwa naDetective Mayezanga avo vakamutaurira kuti abude mumugwagwa asi akabva atotanga kuvarova nechibhakera kaviri kumeso.

Detective Manyangire ndivo vakazodzika mumotokari vave kurandutsira botso iri.

Detective Mayedzanga havana kukukuvara zvinoonekwa pakurohwa uku asi vanoti vakangosara vaine marwadzo.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×