Mudzimai asungwa azvambaradza mwanasikana (15) aba chibage

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekwaSabhuku Huchu, kuMvuma akasungwa nemhosva yekurova zvakaipisisa mwanasikana wake ane makore 15 okuberekwa achimupomera kuti akanga aba miguri yechibage mumunda memuvakidzani wavo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa21 Kukadzi.

“Amai ava, Primrose Kwangware (35), vanonzi vakatora shamu ndokurova mwanasikana wavo uyu muviri wese zvakaomarara apo muvakidzani wechidzimai wemhuri iyi akanga avataurira kuti aiva aba miguri yechibage chake chinyoro,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti mwanasikana uyu akazotiza pamba nekuda kwekurohwa uku apo akazosangana nemumwewo munhu akazomubatsira kumuendesa kumapurisa uko nyaya iyi yakanomhan’arwa.

“Mapurisa vakabva vatanga kufeya nyaya iyi zvakazoita kuti vasunge amai vemwana uyu. Mwana uyu akazoendeswa kuchipatara uko ari kurapwa,” vanodaro.

Insp Mahoko vanoti kune nyaya dzakawanda mudunhu ravo dzevana vari kukuvadzwa vachirohwa nevabereki kana vamwe vachengeti vavo.

“Izvozvi tine nyaya yemwana anonzi akapondwa naamainini mudzimai wababa vake mudiki kudunhu raMambo Sahi kuGokwe. Tinokurudzira kuchengetedzwa kwevana zvakanaka mumisha mavanogara,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×