Mudzimai hutu ne’muzukuru’ wekubasa

Nyasha Bvudzijena

MURUME wemuHarare anoti akaitwa zvinorova nemudzimai wake uyo akaunza chikomba chake kuti achipinze basa pakambani yake achiti muzukuru wake.

Clive Togara akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Tatenda Tashaya achiti akamutorera mudzimai wake uye pamusoro pezvo, ari kumushungurudza.

Mutongi Tilda Mazhande anoti vaviri ava vadzoke kudare munguva inotevera apo achapa mutongo wake.

“Mukomana uyu ndakashanda naye ndisingazive kuti aisara achishinha nemudzimai wangu pandainge ndisipo ndaenda kunohodha kunze kwenyika uye ndakatozozviziva nhumbu yazvarwa yemwana ainzi ndewangu wechipiri,” anodaroTogara.

Anoti haasisina rugare sezvo Tashaya achifamba achiparidzira mashoko akaipa pamusoro pake kuvanhu izvo zvave kukonzera kuti atadze kushanda nevamwe zvakanaka sezvo ava kutumidzwa mazita emadunhurirwa.

“Inini handisi kuda kuona mukomana uyu pedyo neni, kana kuuya pandinoshandira nekuti ndikamuona ndinonzwa kurwadziwa nekukanganisa kwaakaita upenyu hwangu. Vaindibira mari nemudzimai wangu iyo yavakazoshandisa kutanga bhizimusi ravanaro nhasi,” anodaro.

Achipawo divi rake, Tashaya anoti Togara anorwadziwa kuti akaroorerei aimbova mudzimai wake nekudaro vanogara vachinetsana.

“Ndakaroora aimbove mudzimai wake uye tatova nevana vaviri tose saka zvinomurwadza. Hazvigone kuti andirambidze kushandira pandinoda nekuti ndinenge ndichida kuraramisa mhuri yangu,” anodaro Tashaya. Anoti Togara ane godo neupenyu hwake uye anorwadziwa nekuti ari kugona kuriritira mhuri zvakanaka.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *