‘Ndibhadhare nekuti ndakakupinza basa’

Nyasha Bvudzijena

MUMWE mukadzi anoti ari kuoneswa ndondo nemukoma wake uyo anoda kuti amubhadhare mushure mekutsvagirwa basa nemurume wake zvekuti akatombomupa US$500, asi anoti mari iyi ishoma.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court uko Ruth Doko akamhan’arira Gracious Chikonyora achida gwaro redziviriro.

Doko anoti akatsvagirwa basa nemurume waChikonyora nekudaro ava kushungurudzwa nekuda kwaizvozvo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Doko gwaro rinomudzivirira.

“Mukoma wangu anouya kubasa kana kumba achizondipopotera pamberi pevanhu kana pevana achiti ndimupe mari yekuti akandiwanisa basa uye ari kuti ndini ndiri kurwarisa amai vedu. Hama dzose dzave kundivenga zvekuti handisisina chimiro pabasa,” anodaro.

Doko anoti anotenda zvikuru kuti akatsvagirwa basa asi nekuoma kwaita upenyu, haasi kukwanisa kuwana mari iri kudiwa yose kamwechete uye akatombopa mukoma wake US$500 yekuti vatange bhizimusi rekuhodha asi anoti akati mari iyi ishoma.

Achipawo divi rake, Chikonyora anoti ichokwadi kuti ari kuda kuripwa senzira yekutendwa kuti akaita kuti munin’ina wake apinzwe basa.

“Inini ndini ndaigara nemwana uyu zvakare basa raari kushanda raive rangu, asi ndakaudza murume wangu kuti apinze munin’ina sezvo anga afirwa uye akaomerwa. Saka anofanira kundipawo chimwe chinhu kuti ndibatsirikewo,”anodaro Chikonyora.

Anoti mushure mekunge amai vavo varwara, vakaenda semhuri kune mumwe muporofita uyo akavaudza kuti hurwere huri kukonzereswa naDoko achinzi akaenda kuChipinge kunotora chikwambo.

Mutongi Gwatidzo akarambidza zvakare Chikonyora kusvika pabasa paDoko uye kumupumha huroyi.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *