Mudzimai nemurume wake vawanikwa vakafa

Kingstone Mapupu

MUTUMBI wemumwe murume wakawanikwa wakasungirirwa mumuti kuGweru uyewo wemudzimai wake uri pedyo nemotokari yerudzi rweHonda Fit iyo yaive yakapiswa yose.

Izvi zvakaitika mumugwagwa waFletcher padyo nemugodhi weKing Cobra Mine kuGweru.

Mutumbi wemudzimai uyu nemotokari yaiva yakapiswa zvose zvakaonekwa nguva pfupi yadarika nemumwe munhu aidarika uyo akazozivisa mapurisa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti motokari yakapiswa iyi ine nhamba dzinoti AEI 8932 uye yakanyorwa muzita raLeonard Vurayayi wekuMkoba 16 kuGweru.

“Mapurisa vakashanyira nzvimbo iyi vakatanga kufeya nyaya iyi, ndokuenda kuna Leonard Vurayayi uyo akazokwanisa kuvabatsira kuti vanowana muridzi mutsva wemotokari iyi sezvo akanga aitengesa anova Innocent Nhika wemumusha weDaylesford kuGweru,” vanodaro InspMahoko.

Nhika anonzi akataura kuti aiva akweretesa motokari yake kuna sahwira wake anonzi Nigel Mukoki wemumusha weNehosho kuGweru kuti afambise kuendesa kumusha kwake uko kwaiva nenyaradzo yehama yake.

“Mutumbi waNigel Mukoki wakazowanikwawo zvakare wakarembera mumuti kunzvimbo imwe chete iyi. Zvakaonekwa kuti ndiye aiva murume wemudzimai ane mutumbi wakawanikwa padyo nemotokari yakatsva iyi uyo ainzi Definate Musomekwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokurudzira vanhu vanenge vaine zvinovanetsa pakurarama kuti vawane vavanotaurira matambudziko avo kuti vagogona kubatsirwa nekugadzirisa nyaya dzavo.

“Mapurisa vari kuenderera mberi nekufeya nyaya iyi kuti vatsvage chaizvo zvakaitika pavaviri ava,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×