Mufarinya worimwa kuHurungwe

MAI Emma Katuka vaiva mumunda wavo wemufarinya apo murume wavo, VaLawrence Katuka, vaichera chirimwa ichi kuti vazotengesera ruzhinji.
MAI Emma Katuka vaiva mumunda wavo wemufarinya apo murume wavo, VaLawrence Katuka, vaichera chirimwa ichi kuti vazotengesera ruzhinji.

VARIMI vanodarika 60 vekudunhu reHurungwe vowana raramo kuburikidza nekurima pamwe nekutengesa mufarinya uyo unozivikanwa zvakare nekuti mujumbura. Chirongwa ichi chiri kuitwa kuminda yemadiridziro uye chakaparurwa makore mashoma adarika nemutevedzeri wemutungamiriri wenyika Cde Joice Mujuru avo vakabatsira varimi ava nembeu yemufarinya yakabva kunyika yeGhana.

Sachigaro wechirongwa ichi, VaBigbrain Katuruza (47), vanoti mbeu yemufarinya iyi yasimudzira upenyu hwevanhu zvikuru sezvo vanotengesa chirimwa ichi kunzvimbo dzakasiyana.

“Muno mudunhu reHurungwe maisava nemufarinya uyo wakaunzwa naCde Joice Mujuru, uyu mufarinya wakasiyana nemimwe unogadzira zvinhu zvakasiyana kubva pauri,” vakadaro VaKaturuza.

Mumwewo murimi anorima mufarinya mudunhu iri, VaLawrence Katuka (52), vakati kubva pakaunzwa chirimwa ichi mudunhu ravo raramo yavo iri kusimukira zvikuru.

“Mufarinya uyu unogadzira hupfu hwekubikisa bota kana nesadza chairo, unogona kubika mahewu nahwo, kugadzira machipisi uyewo nekubika wakadaro vanhu vachinwisa svutugadzike,” vakadaro.

Vanoti kune varimi vari kuuya vachidzidza kurima mufarinya vachibva vavapa mbeu iyi.
“Ishe woga-woga pamadzishe edu ane munda wechirimwa ichi umowo vamwe varimi vanenge vasina vanoenda vachinotora, hakuna anotengesera mumwe mbeu iyi sekukurudzirwa kwatakaitwa  naMai Mujuru. Mufarinya uyu wakasiyana zvikuru nemimwe yatinoziva nekuti wakachena uyewo hauvave,” vakadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×