Mufundisi akadhonzerwa kudare

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUFUNDISI akaendeswa kudare neaimbova mukadzi wake achida kuti riwedzere mari yaari kubvisa yemendenenzi achiti iri kubhadharwa pari zvino haichakwana sezvo mhuri yakura.

Janet Maunga akamhan’ara kuHarare Civil Court achida kuwedzerwa mari yaari kupihwa naMufundisi Amos Maunga kubva pa$80 kusvika pa$150 pavana vatatu.

“Changamire, ndinokumbira kuti mari iwedzerwe nekuti haisi kukwana. Vana vakura, mukuru ane makore 17 achiteverwa neane 14, kozoti wemakore gumi. Saka ndinodawo kuti mari iwedzerwe nekuti $80 haichavakwanire.

“Chimwe chezvikonzero ndechekuti gore rino ndine vaviri vachanyora bvunzo dzeZimsec saka ndinokumbira kuti dai mari yawedzerwa nekuti vanoda mabhuku akawanda uye kuendeswa kune zvimwe zvidzidzo pane izvo vasati vabata kuti vagopasa. Murume wangu uyu anokwanisa kundibatsirawo semunhu ari kushanda sezvo ari pastor anowana mazimari kusangano raanotungamirira,” akadaro Janet.

Amos akaudza dare kuti anokwanisa kuramba achibhadhara $80 nekuti ane imwe mhuri yakakura kudarika iyo yaanayo naJanet. “Handina mari, ndinokwanisa kukuratidzai gwaro remari yandinotambira. Ndiri security guard, ndinotambira $250 apa ndine vamwe vana vana saka zvinondiremera. Kuchechi kwandinoparidza handina mari yandinotambira nekudaro handidi kukunyeperai kuti ndinokwanisa kuibhadhara mari yavari kuda,” akadaro.

Janet akamugamha achiti mari yaanotambira kuchechi kwake yakawanda, kusangoda chete kuchengeta vana vake.

Mutongi Trevor Nyatsanza akatambira chikumbiro chaJanet ndokuti Amos abvise $100 pamwedzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×