Vana 50 vakarumwa nenyuchi

VANA vechikoro nevadzidzisi vanodarika 50 vepaSt Marnocks Primary, kuMt Hampden padyo neguta reHarare, vakaita bararamhanya vachitiza masikati emusi weMuvhuro svondo rino apo vakarumwa nenyuchi.

Nyuchi idzi dzinofungidzirwa kuti dzakabva mumhango yemuti uri muchivanze mechikoro ichi.

Izvi zvinonzi zvakaitika apo vana vaiva panguva yavo yekudya masikati. Nyuchi idzi dzinonzi dzakangotanga kuzara pachivanze chechikoro nemudzimba dzekudzidzira ndokuruma vana nevarairidzi.

Mukuru wechikoro, VaMichael Mashiri, vanotsinhira chiitiko ichi.

“Takarumwa zveshuwa, kusanganisira neni. Zvakaitika masikati apo vana vaitamba kunhandare, mhanza yatakaita ndeyekuti vana veECD nemaGrade 1 vaiva vasipo vaenda kumba, takanga tasara nekubva veGrade 2 kusvika 7.

“Vakarumwa vakawanda zvekudarika 50 asi vakarumwa zvakanyanya vanokwana 4.

Takatovaendesa kukiriniki yeSolar kunorapwa. Nhasi (Chipiri) vauya kuchikoro kunze kwemubereki mumwe chete auya achiti wake mwana atadza kuuya kuchikoro nekuzvimba,” vakadaro VaMashiri.

Vanoti zvinhu zvakange zvagadzikana pachikoro apa, icho chiri pasi pedunhu reZvimba, pane vana vanodarika 1 500 nevadzidzisi 39.

VaMashiri vanoti panguva yakarumwa vanhu nenyuchi, kwaida kunaya apo pakauya mhepo yakawanda nyuchi idzi ndokutanga kupenga.

“Mushure ndakazotaridzwa muti unonzi waiva nenyuchi idzo uye panoratidza kuti dzakamorwa. Tinofungidzira kuti ndipo padzakabva kunyange dzisisipo.”

Vanoti vana nevamwe vadzidzisi vachiri kuvhunduka nekuda kwechiitiko ichi.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×