Mufundisi otsotsa murwere

Kingstone Mapupu
MURUME wekwaMurambinda, kuBuhera – uyo ari kurarama ura hwake huri kunze kwedumbu nekuda kwekuvhiiwa kwaakaitwa nemachiremba pachipatara cheHarare Central Hospital – ava kubatsirwa neveruzhinji nemari yekuti aenderere mberi nekurapwa.

Asi apo veruzhinji vari kuedza kubatsira murwere uyu, anoti kunewo mumwe murume ari kuzviti mufundisi, uyo ari kuda kumutsotsa mari achiti iri kudiwa “kutenda” Kwayedza, imwe kuchechi.

Svondo rakapera pamberi, Kwayedza yakaburitsa dambudziko raApprove Dowororwa (42), achitsvaga rubatsiro rwemari yekuti arapwe sezvo matumbu ake ayo ava kuwora ari kunze kwedumbu rake mushure mekuvhiiwa kuchipatara uko akaenda nedambudziko remudumbu maipisa zvakanyanya.

Kubva pakabuda nyaya iyi mubepanhau rino nepanhepfenyuro yeStar FM, murume uyu anoti kusvika pari zvino atumirwa mari inosvika $730 neveruzhinji iyo isati yakwana mari iri kudiwa nechipatara chikuru ichi kuti abatsirwe.

Dowororwa anotenda rubatsiro urwu.

“Mari yakapinda mufoni mangu ichibva kuvanhu yasvika $730, pamwe chete ndiri kuda $2 000. Ndakatoridza nhare kuchipatara cheKaranda Mission Hospital ndikanzi ndizouya musi weMuvhuro unotevera.

“Matumbu angu ari kurwadza zvikuru, zvichida nekupisa kuriko mazuva ano,” anodaro.

Murume uyu anoti akamboenda kuKaranda Mission Hospital akanzi panodiwa $1 000 kuti adzoserwe ura hwake mudumbu.

Approve Dowororwa achitaridza matumbu ake ari panze

Zvichakadai, Dowororwa anoti pane mumwe murume anonzi Prosper Kamuchira anova mufundisi kuchechi yeUngano YeVapositori kwaMadzibaba Mateo Mupfumbati uyo waanoti ari kuda kumutsotsa mari iri kubva kuvanhu iyi.

“Prosper, uyo akaita kuti ndiende kuchirongwa chaSister Tilder kuStar FM, ava kundinetsa achiti anoda mari yakawanda kubva kwandiri. Akauya achiti aida $100 yekubhadhara kuchikoro, ndokuzoti aida $200 yekuti andiendese kune mumwe muporofita waanoti anokwanisa kuita go-back-to-sender, izvo ndakaramba.

“Ndakazomupa $40 iyo aiti achadzosa asi haana kuidzosa. Ari kunditiwo imi VaMapupu (munyori uno) muri kuda $50 kubva kwandiri iyo anoti anozounza kwamuri,” anodaro Dowororwa.

Kamuchira anonzi anoti zvakare Madzibaba Mateo vanodawo $50 kubva kuna Dowororwa iyo asina kupihwa nemurwere uyu.

“Ini zvose navadzimai vangu, Prosper hatichada kumuona nekuti ari kuda kudya nekurwara kwangu ini ndichitochema kuvanhu kuti ndibatsirwe,” anodaro Dowororwa.

Anoti ane mameseji ari munhare yake aakatumirwa naKamuchira achiti anoda mari.

Paakaridzirwa nhare neKwayedza, Kamuchira anoramba nyaya iyi achiti manyepo.

Madzibaba Mateo

“Kunyepa kwese uku, murume uyu ane stress. Ane zvakawanda zvaari kutaura achiti anoda kuenda kune mumwe muporofita wego-back-to-sender izvo ndakamurambira. Asi chokwadi $40 ndakatora uye ndichamudzosera mangwana chaiwo (musi weChipiri chadarika),” anodaro.

Tilder Moyo Karizamimba – uyo anoita chirongwa cheTilder Live panhepfenyuro yeStar FM – anoti Kamuchira anoda kufumurwa nekuda kwemaitiro ake anonyadzisa ekutsotsa murwere.

“Rega ndigomufonera mukomana uyu ndomuudza kuti imhosva,” anodaro.

Kuchiti Madzibaba Mateo vanoti zviri kuitwa naKamuchira hutsotsi.

“Ndinoidii mari yemurwere? Ndiri kutobatsira nekumubhadharira rendi yemba kuno kuBudiriro kuti akwanise kurapwa achigara sezvo asina hama muno muHarare?

“Hongu, mukomana uyu (Kamuchira) mufundisi muchechi mangu, asi kutaura kuno basa ratopera.

“Handichada kumuona nekuti anondisvibisa,” anodaro Madzibaba Mateo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *