Muchaneta Chimuka
MUFUNDISI wechechi yeAFM in Zimbabwe – Pastor Lebraity Makuni (28) – wekuRockview West Chitungwiza Branch, uyo akambomiswa mudare nemhosva yehuwori achipomerwa kuti akanyengedza mumwe mutendi wekereke iyi kuti aikwanisa kumuwanira matani 14 echibage izvo zvakaita kuti apihwe US$6 500 uye akazonzi akarovesa mari iyi, akawanikwa asina mhosva zvichitevera kushaikwa kweumbowo.
Mutongi Karen Jeffery vedare reChitungwiza Magistrates Court vakachenura Makuni pamhosva iyi mushure mekuona kuti painge pane daka pakati pemumhan’ari nemusungwa maringe nenyaya dzekuchechi kwavo.
Muchuchisi VaPassmore Rulenso vakaudza dare kuti mumwedzi waKubvumbi gore rapera, Makuni akapihwa US$6 500 naSamuel Tsvangirai anova Junior Pastor kukereke iyi mushure mekunge amuzivisa kuti aive nemukoto wekuwana matani 14 echibage zvinova zvisina kuzoitika zvakaita kuti amhan’are nyaya iyi kumapurisa.
Nomusi wa22 Nyamavhuvhu gore rapera, Tsvangirai anonzi akaenda kuna Makuni achida mari yake ndokuudzwa kuti aizomupa kana aitora kumunhu waainge akweretesa asi hapana chakazobuda.
Makuni akarambisisa mhosva iyi, achiti nomusi wa23 Nyamavhuvhu akaenda kunotora US$1 500 kuna Stanrick Macharonga munaMutare Road achibva apihwa zvekare US$5 500 izvo zvakaita kuti mari yose isvike US$7 000.
“Ndakazofonera mudzimai waTsvangirai ndichimuudza kuti audze murume wake kuti auye kuzotora mari yake kana kuti andiudze pekuiisa sezvo aive kuMasvingo. Nomusi wa25 Nyamavhuvhu, ndakashamisika kuona ndava kupindirwa nematsotsi varume vatatu mumba vainge vakapfeka mamasiki vachibva vandiisa donje nematishu mumukanwa kwava kundisunga maoko ndokuenda neni kupaseji yemba. Vakabva vapinda mubhedhuru mandainge ndirere ndokutora jazi rangu rainge riine mari yese vakasiya vandirova nezvibhakera nembama uye vainge vakabata mazisimbi,” anodaro Makuni.
Anoti akazokwanisa kusimuka achibva asunungurwa nemumwe murume anonzi Baba Chamanga ndokuenda kunomhan’ara kumapurisa.
Makuni akamiririrwa negweta rake rekambani yeMachaya and Associates munyaya iyi.



