Muimbi akapona mutsaona 3

Abel Ndooka

Tichaona Tasara akawanirwa nyasha muhupenyu hwake uye anorumbidza Mwari zvikuru zvichitevera kupona kwaakaita mutsaona nhatu dzemumugwagwa mukati memakore maviri.

Tasara — uyo anotungamira chikwata chePowers of Angel — anoti akambodhumwa nekombi uye akaita tsaona ari mukombi zvakare iyo yakauraya vanhu vakawanda muna2018 kozoti munaZvita gore radarika, motokari yaaive akwira yakabonderana neimwe iye akapunyuka.

Tasara anoti haana neremuromo asi chaanongogona chete kutenda Mwari vakamurwira apo akasangana netsaona nhatu idzi.

“Handizive kuti ndinotangira papi kutenda, hupenyu hwangu hungadai hwakaenda nepamwe asi nanhasi ndichiri pano nekuti Mwari vakandirwira.

“Ndakapinda munjodzi katatu mukati memakore maviri uye pese ndichingopona ndichibuda nekuti Mwari vaingondirwira. Ndinongotenda chete kuna Musiki.

“Njodzi dzese idzi dzandakaponeswa ndidzo dzimwe dzakandituma kutanga kuimba, ndinongotenda Musiki nekuti vakandirwira kuti ndisvike pandiri pano kuda kwenyasha dzavo,” anodaro Tasara.

Muimbi uyu akwanisa kutsikisa madambarefu mashanu uye rekupedzisira racho – Ndinzwirei Ngoni – akariparura munaMbudzi gore radarika.

Dambarefu iri rine kambo kanetsa zvikuru kanonzi Dzosera Zvawakabirwa ako kanotaura pamusoro pekurwirwa naMwari hondo dzese idzo munhu anenge achisangana nadzo muhupenyu hwake.

“Gore radarika, ndakaparura dambarefu rangu rechishanu, Ndinzwirei Ngoni, iro rizere nenziyo dzinotaura pamusoro pezvandakasangana nazvo muhupenyu hwangu kusanganisira kurwirwa kuchengetedzwa kubva kutsaona,” anodaro Tasara.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *