‘Vanoda kundikanda mudhamu’

Courtney Munodawafa

MUMWE mudzimai anoti ave kugara akabatira hana yake mumawoko nekutya murume nemudzimai wake avo vanova vavakidzani vake vanomuudza kuti vachamubaya nebanga, vonokanda matumbu ake mudhamu.

Nyaradzai Muchenagumbo akamhan’arira Taurai Zvatonga nemudzimai wake Memory Zvatonga kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro rerunyararo.

Muchenagumbo anoti vavakidzani vake ava vanoenda kumba kwake vachinomuonesa ndondo.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Muchenagumbo gwaro rinomuchengetedza.

“Vaviri ava vanondishungurudza, vanovhura gedhi rangu vachinditukirira. Vakambondibatira banga vachiti vanondibaya, vagonokanda mutumbi wangu mudhamu.

“Handizive kuti sei vachidaro asi ndave kugara ndiine kutya. Murume wacho ane dambudziko rekuda kupindira nyaya dzevakadzi, haadi kunzwa kuti mudzimai wake ane zvaaitwa. Handingabvi pandinogara nekuti imba yangu asi ivo vanoroja,” anodaro.

Taurai anoti haapokane nechikumbiro chaMuchenagumbo sezvo asati ambosvika kumba kwake.

Memory anotiwo, “Handipokane nechikumbiro chavo asi amai ava vakauya vakarova vana vedu.

‘‘Takaenda kumapurisa asi handina kuvhurisa dhoketi sezvo tiri vavakidzani.”

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *