Muimbi orwira kodzero dzevanhukadzi

Abel Ndooka

MUIMBI wesungura ari kusimukira – Elias Thom – anoti zvakakosha kuti vanhukadzi vasimudzirwe munharaunda dzavanogara kwete kuvatarisira pasi.

Thom, uyo anotungamira chikwata cheVapupuri Express, ane kambo — Single Mother — ako kari padambarefu rake rinonzi Tose Tirivatadzi kanotaura pamusoro pematambudziko anosangana nemadzimai anosiiwa kuti vachengete vana vari vega mushure mekutizwa kana kufirwa nevarume.

Pakambo aka, Thom anopa dzidziso huru yekuti madzimai anosiiwa nevarume nekuda kwezvikonzero zvakasiyana vanofanirwa kusimudzirwa kwete kutarisirwa pasi.

“Moyo wangu unorwadza zvikuru ndichiona matambudziko anosangana nemadzimai akasiyana avo vamwe vanenge vakasiiwa nevarume kana kufirwa vosara vachichengeta vana vega.

“Ibasa redu tose kuti tisimudzire madzimai aya nekuti hupenyu hunombooma dzimwe dzenguva. Saka ndiri kupa chenjedzo kwatiri tose kuti ngatisimudzirei madzimai munharaunda dzatinobva,” anodaro.

Mwedzi waKurume gore negore, unocherechedzwa kukosha kwevanhukadzi pasi rose.

Thom, uyo akaparura dambarefu rake rekutanga rinonzi ‘Tose Tirivatadzi’ gore radarika, anoti parizvino ari mustudio kubika dambarefu rake rechipiri iro anotarisira kuparura nguva pfupi inotevera.

“Izvezvi ndakadzokera mustudio ndiri kubika dambarefu rangu rechipiri iro ndinovimba kuti ndichariparura nguva pfupi iri kutevera kana zvikafamba zvakanaka,” anodaro.

Padambarefu rake rekutanga — Tose Tirivatadzi — pane nziyo dzinosanganisira Kodzero Dzerudo, Mapindwa Nei, Ndini Ndakananga uye Tose Tirivatadzi.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *