Mukadzi (19) abara mapatya ndokuapisa

Raymond Jaravaza

MUKADZI ane makore 19 okuberekwa wekuMakokoba, kuBulawayo akasungwa nemhosva yekupisa vana mapatya avo vaaive achangobva kubara uye ndokuzonovakanda kunzvimbo inorasirwa marara.

Akazivikanwa saPraise Chibwanda.

Mitumbi yemapatya aya yakawanikwa panzvimbo inorasirwa marara zvisiri pamutemo nevagari vemunharaunda iyi.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Mai Elina Malunga vanoti vakashamisika kuona vanhu vakawanda vakamira pedyo nepamba pavo nemusi weMugovera wadarika.

“Chiitiko chaityisa. Vana vacheche vachangobva kuzvarwa vaive vakarasirwa pedyo nechivanze changu uye vakapiswa. Amai vanoitirei zvakadaro kuvana vavo?” vanodaro Mai Malunga.

Mukushi wemashoko kumapurisa ekudunhu reBulawayo, Inspector Nomalanga Msebele, vanotsinhira nyaya iyi.

“Mukuferefetwa kwenyaya iyi, zvinotaridza kuti nemusi wa23 Chivabvu, mumwe mugari wekuMakokoba akaenda kubindu rake achida kunopisa marara. Akashandisa hara kuunganidza marara aya ayo asina kutsva ose uye panguva iyi akabva aona pepa bhegi yeruvara rweblue

yaitaridza zvinhu zvaive mukati.

“Akaona mune vana vacheche vaviri achibva azivisa vavakidzani uye nyaya iyi ichibva yamhan’arwa kuMzilikazi Police Station zvakaita kuti ari kupomerwa kupara mhosva iyi abva asungwa,” vanodaro Insp Msebele.

Nyaya dzevana vari kubarwa vachizoraswa dziri kuwanda kuBulawayo.

Mwedzi miviri yadarika, mapurisa ekuBulawayo aiferefera nyaya yemwanakomana aive achangobva kuzvarwa uyo akawanikwa akavhariridzwa nemasanzu pedyo neKhami Prison Complex.

Mapurisa anoti mwana uyu akaonekwa nevagari vemunzvimbo iyi uye akabva aendeswa kuchipatara kuti anoongororwa utano hwake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×